Hosea 9:7-8
Hosea 9:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mazuva okurangwa ari kuuya, mazuva okutsiva ava pedyo. Israeri ngaazvizive izvi. Nokuti zvivi zvako zvizhinji kwazvo uye ukasha hwako hwakakura kwazvo. Muprofita anoonekwa sebenzi, nomurume ano mweya somunhu anopenga. Muprofita, pamwe chete naMwari wangu, ndiye nharirire yaEfuremu, asi zvakadaro misungo yakamumirira panzira dzake dzose, uye ruvengo muimba yaMwari wake.
Hosea 9:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mazuva okurohwa asvika, mazuva okutsiva asvika; Isiraeri vachazviziva; muporofita ibenzi, munhu anomweya anopenga, nemhaka yokuwanda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuti ruvengo rukuru. Efuremu mushori kuna Mwari wangu; kana ari muporofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruvengo muimba yaMwari wake.
Hosea 9:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mazuva okurangwa asvika mazuva okutsiva auya vokwaIsiraeri muchazoziva izvozvo. Kwamuri imi; muporofita, ibenzi romunhu; munhu anenge afemerwa naMweya, munhu anopenga, pari pamusana pouipi hwenyu hwakaipisisa uye pamusana peruvengo rwenyu rwakanyanyisa. Muporofita ndiye munhu ane basa rokutarisa zvinoitika muvanhu vokwaEfuremu, vanhu vaMwari wangu. Asi muporofita ari kuteyiwa nzira dzake dzose seshiri achivengwa mumba yaMwari wake.
Hosea 9:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa okurobga aȿika, mazuʋa okutsiʋa aȿika; Israeri ʋacaɀiziʋa; muprofita iɓenzi, munhu unomŋeya unopeŋga, nemhaka yokuwanda kweɀakaipa ɀenyu, ʋuye nokuti ruʋeŋgo rukuru. Efraimi mushori kunaMŋari waŋgu; kana ari muprofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruʋeŋgo muimba yaMŋari wake.
Hosea 9:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)