Hosea 9
9
Israeri inorangwa
1Rega kufara, iwe Israeri;
rega kupembera sezvinoita dzimwe ndudzi.
Nokuti hauna kunge wakatendeka kuna Mwari wako;
unofarira mubayiro wechifeve, pamapuriro ose.
2Mapuriro nezvisviniro zvewaini hazvingagutsi vanhu.
Waini itsva ichavanyengera.
3Havangarambi vari munyika yaJehovha;
Efuremu achadzokera kuIjipiti
agodya zvokudya zvakasvibiswa muAsiria.
4Havangadiri zvipiriso zvewaini kuna Jehovha,
uye zvibayiro zvavo hazvingamufadzi.
Zvibayiro zvakadai zvichava kwavari sechingwa chavanochema;
vose vanozvidya vachava vakasvibiswa.
Zvokudya izvi zvichava zvavo;
hazvingaunzwi mutemberi yaJehovha.
5Muchaiteiko pazuva rakatarwa remitambo yenyu,
pamazuva emitambo yaJehovha?
6Kunyange dai vakapunyuka kubva pakuparadzwa,
Ijipiti ichavaunganidza,
uye Memufisi ichavaviga.
Matura avo esirivha achafukidzwa norukato,
uye minzwa ichamera mumatende avo.
7Mazuva okurangwa ari kuuya,
mazuva okutsiva ava pedyo.
Israeri ngaazvizive izvi.
Nokuti zvivi zvako zvizhinji kwazvo
uye ukasha hwako hwakakura kwazvo.
Muprofita anoonekwa sebenzi,
nomurume ano mweya somunhu anopenga.
8Muprofita, pamwe chete naMwari wangu,
ndiye nharirire yaEfuremu,
asi zvakadaro misungo yakamumirira panzira dzake dzose,
uye ruvengo muimba yaMwari wake.
9Vanyura kwazvo kwazvo muhuori,
sapamazuva eGibhea.
Mwari acharangarira uipi hwavo
uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.
10“Pandakawana Israeri,
zvakanga zvakafanana nokuwana mazambiringa murenje;
pandakaona madzibaba enyu,
zvakanga zvakaita sokuona zvibereko zvokutanga pamuti womuonde.
Asi pavakauya kuBhaari Peori,
vakazvitsaura kuti vazviise kuchiumbwa ichocho chinonyadzisa,
vakava vasina maturo uye vakafanana nechinhu chavakada.
11Kukudzwa kwaEfuremu kuchabhururuka seshiri,
pasina kubereka, pasina pamuviri, pasina kubata pamuviri.
12Kunyange zvavo vakarera vana,
ndichavauraya vose mumwe nomumwe.
Vachava nenhamo
pandichavafuratira!
13Ndakaona Efuremu, seTire,
akasimwa panzvimbo yakanaka.
Asi Efuremu achabudisa
vana vake kumuurayi.”
14Vapei, imi Jehovha,
zvino muchavapeiko?
Vapei zvibereko zvinopfupfudzika
namazamu akaoma.
15“Nokuda kwouipi hwavo hwose muGirigari,
ndakavavenga ikoko.
Nokuda kwamabasa avo akaipa,
ndichavadzinga kubva mumba mangu.
Handichazovadazve;
vatungamiri vavo vose vakapanduka.
16Efuremu arohwa,
mudzi wavo wasvava,
havabereki chibereko.
Kunyange vakabereka vana,
ndichauraya vana vavo ivava vavanodisa.”
17Mwari wangu achavaramba
nokuti havana kumuteerera;
vachava vadzungairi pakati pendudzi.
Zvasarudzwa nguva ino
Hosea 9: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.