Hosea 8
8
Israeri achakohwa chamupupuri
1“Isa hwamanda pamuromo wako!
Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha
nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu
uye vakapandukira murayiro wangu.
2VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti,
‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’
3Asi Israeri akaramba zvakanaka;
muvengi achamutevera.
4Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni;
vanosarudza machinda pasina mvumo yangu.
Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo
kuti vagoparadzwa.
5Rasira kunze chifananidzo chako chemhuru, iwe Samaria!
Kutsamwa kwangu kunopisa somoto pamusoro pavo.
Vachasvika kupiko vasingagoni kuzvichenesa?
6Izvi zvinobva kuIsraeri!
Chimhuru ichi, chakagadzirwa nomupfuri,
hachisi Mwari.
Chichaputsika kuita zvimedu zvimedu,
icho chimhuru cheSamaria.
7“Vanodyara mhepo
vachikohwa chamupupuri.
Dzinde harina kubereka;
haringabudisi upfu.
Dai raizobereka zviyo,
vatorwa vaizvimedza.
8Israeri yamedzwa;
zvino yava pakati pendudzi
sechinhu chisina maturo.
9Nokuti vakaenda kuAsiria
sembizi inongombeya yoga.
Efuremu akazvitengesa kuvadiwa.
10Kunyange zvavo vakazvitengesa pakati pendudzi,
ndichavaunganidza zvino pamwe chete.
Vachatanga kuperezeka
pasi poudzvinyiriri hwamambo ane simba guru.
11“Kunyange Efuremu akavaka aritari zhinji dzezvipiriso zvechivi,
idzi dzava aritari dzokuitira zvivi.
12Ndakavanyorera zvinhu zvakawanda zvomurayiro wangu,
asi vakazvitora sezvinhu zvisinei navo.
13Vanopa zvibayiro kwandiri
uye vodya nyama yacho,
asi Jehovha haafadzwi navo.
Zvino acharangarira uipi hwavo
uye acharanga zvivi zvavo:
Vachadzokera kuIjipiti.
14Israeri akakanganwa Musiki wake
ndokuvaka mizinda;
Judha akomberedza maguta mazhinji namasvingo.
Asi ndichatumira moto pamaguta avo
uchaparadza masvingo avo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Hosea 8: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.