Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 9

9
1Regai kufara, imi Isiraeri, muchifarisisa samarudzi avanhu; nokuti makapata, muchisiya Mwari wenyu; makada mubayiro wokufeva pamapuriro ose ezviyo. 2Buriro nechisviniro chewaini hazvingavagutsi, waini ichavanyengera. 3Havangagari munyika yaJehovha; asi Efuremu achadzokera Ijipiti, vachadya zvokudya zvine tsvina paAsiria. 4Havangadiriri Jehovha waini, zvibayiro zvavo hazvingamufadzi; zvibayiro zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nokuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki muimba yaJehovha. 5Muchabateiko nezuva reungano dzakatarwa, nezuva remitambo yaJehovha? 6Nokuti tarirai, vakabva nokuda kwokuparadzwa, asi vaIjipiti vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; minzwa ichava mumatende avo.
7“Mazuva okurohwa asvika, mazuva okutsiva asvika; Isiraeri vachazviziva; muporofita ibenzi, munhu anomweya anopenga, nemhaka yokuwanda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuti ruvengo rukuru. 8Efuremu mushori kuna Mwari wangu; kana ari muporofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruvengo muimba yaMwari wake.
9“Vakazvishatisa zvikuru kwazvo, sapamazuva eGibhea; acharangarira zvakaipa zvavo, achavarova pamusoro pezvivi zvavo.
10“Ndakawana Isiraeri vakaita samadzambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kunezvinonyadzisa, vakaitwa zvinonyangadza vachifanana nezvaidikanwa navo.
11“Kana vari Efuremu, kukudzwa kwavo kuchabhururuka seshiri; kubereka hakungavipo, kana kukurirwa, kana kunaka pamuviri. 12Kunyange vakarera vana vavo, ndichavatorera ivo, kusvikira kusisina munhu; zvirokwazvo, vachava nenhamowo, kana ini ndavasiya.”
13Sezvandakatsaura Tire, Efuremu vakasimwa pakanaka; asi Efuremu vachabudisira muurayi vana vavo. 14Chivapai, Jehovha muchavapeiko? Chivapai zvizvaro zvinoshaya namazamu asina mukaka.
15“Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nokuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira. 16Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyange vakabereka, ndichavauraya vadikanwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo.” 17Mwari wangu achavarasha, nokuti havana kumunzwa; vachava vadzungairi pakati pamarudzi avanhu.

Zvasarudzwa nguva ino

Hosea 9: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda