Hosea 4:4-7
Hosea 4:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Asi zvokupomerana mhosva regai zvenyu kupomerana, kana kutsoropodzana nokuti chaiye wandinopa mhosva ndiwe iyewe mupristi. Uchadzadzarika masikati machena muporofitawo achadzadzarika pamwechete newe nousiku. Ndichaparadza Isiraeri amai venyu ivavo. Vanhu vangu vaparara nokushaya ruzivo pamusana pokuti iwe wakaramba ruzivo, iniwo ndinokuramba kuti uve mupristi kwandiri. Pamusana pokukanganwa kwawakaita mutemo waMwari wako, iniwo pachangu ndichakanganwawo vana vako. “Sokuwanda kwamakaita, imi vapristi ndokuwandawo kwakaita zvitadzo zvenyu kwandiri. Mhiri yenyu ndichaisandura ndikaiita nyadzi.
Hosea 4:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi ngapasava nomunhu anopa mhosva, ngapasava nomunhu anopomera mumwe nokuti vanhu venyu vakafanana neavo vanopomera muprista mhaka. Imi munogumburwa masikati nousiku, uye vaprofita vanogumburwawo pamwe chete nemi. Saka ndichaparadza mai venyu. Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo. “Sezvo maramba zivo, ini ndinokurambaiwo savaprista vangu; nokuti makashayira hanya murayiro waMwari wenyu, ini ndichashayirawo hanya vana venyu. Vaprista vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo; vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa.
Hosea 4:4-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ngakurege kuva nomunhu anokakavara kana munhu anotuka; nokuti vanhu vako vakaita savanokakavara nomupristi. Iwe uchagumburwa masikati, nomuporofita achagumburwawo pamwechete newe usiku; ndichaparadza mai vako. Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva mupristi wangu; zvawakanganwa murayiro waMwari wako, neniwo ndichakanganwa vana vako. “Vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo, ndichashandura kukudzwa kwavo ndikuite kunyadziswa.
Hosea 4:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi zvokupomerana mhosva regai zvenyu kupomerana, kana kutsoropodzana nokuti chaiye wandinopa mhosva ndiwe iyewe mupristi. Uchadzadzarika masikati machena muporofitawo achadzadzarika pamwechete newe nousiku. Ndichaparadza Isiraeri amai venyu ivavo. Vanhu vangu vaparara nokushaya ruzivo pamusana pokuti iwe wakaramba ruzivo, iniwo ndinokuramba kuti uve mupristi kwandiri. Pamusana pokukanganwa kwawakaita mutemo waMwari wako, iniwo pachangu ndichakanganwawo vana vako. “Sokuwanda kwamakaita, imi vapristi ndokuwandawo kwakaita zvitadzo zvenyu kwandiri. Mhiri yenyu ndichaisandura ndikaiita nyadzi.
Hosea 4:4-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokakaʋara kana munhu unotuka; nokuti ʋanhu ʋako ʋakaita saʋanokakaʋara nomuprista. Iwe ucagumburwa masikati, nomuprofita ucagumburwa ʋo pamŋe cete newe ʋusiku; ndicaparadza mai ʋako. Ʋanhu ʋaŋgu ʋaparadzwa nokushaiwa ziʋo; ɀawaramba ziʋo, neni ndicakuramba ʋo, kuti urege kuʋa muprista waŋgu; ɀawakaŋganwa murairo waMŋari wako, neni ʋo ndicakaŋganwa ʋana ʋako. Ʋakati ʋaciwanda, kunditadzira kwaʋo kukawanda ʋo, ndicashandura kukudzwa kwaʋo ndikuite kunyadziswa.