Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 4:4-7

Hosea 4:4-7 SUB1949

Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokakaʋara kana munhu unotuka; nokuti ʋanhu ʋako ʋakaita saʋanokakaʋara nomuprista. Iwe ucagumburwa masikati, nomuprofita ucagumburwa ʋo pamŋe cete newe ʋusiku; ndicaparadza mai ʋako. Ʋanhu ʋaŋgu ʋaparadzwa nokushaiwa ziʋo; ɀawaramba ziʋo, neni ndicakuramba ʋo, kuti urege kuʋa muprista waŋgu; ɀawakaŋganwa murairo waMŋari wako, neni ʋo ndicakaŋganwa ʋana ʋako. Ʋakati ʋaciwanda, kunditadzira kwaʋo kukawanda ʋo, ndicashandura kukudzwa kwaʋo ndikuite kunyadziswa.

Verenga chikamu Hosea 4