Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 4:4-7

Hosea 4:4-7 SCLB

“Asi zvokupomerana mhosva regai zvenyu kupomerana, kana kutsoropodzana nokuti chaiye wandinopa mhosva ndiwe iyewe mupristi. Uchadzadzarika masikati machena muporofitawo achadzadzarika pamwechete newe nousiku. Ndichaparadza Isiraeri amai venyu ivavo. Vanhu vangu vaparara nokushaya ruzivo pamusana pokuti iwe wakaramba ruzivo, iniwo ndinokuramba kuti uve mupristi kwandiri. Pamusana pokukanganwa kwawakaita mutemo waMwari wako, iniwo pachangu ndichakanganwawo vana vako. “Sokuwanda kwamakaita, imi vapristi ndokuwandawo kwakaita zvitadzo zvenyu kwandiri. Mhiri yenyu ndichaisandura ndikaiita nyadzi.

Verenga chikamu Hosea 4