Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 4

4
Jehovha anochema kutsauka kwaIsiraeri
1Inzwai shoko raJehovha, “Imi vana vaIsiraeri, nokuti Jehovha ane gakava navanhu vagere munyika ino, nokuti hakune zvokwadi, kana unyoro, kana kuziva Mwari munyika ino. 2Hakune zvimwe asi kupika, nokunyengera, nokuuraya, nokuba, nokuita upombwe; vanopaza dzimba, kuteura ropa kunoramba kuchitevera kuteura ropa. 3Saka nyika ichachema, mumwe nomumwe ageremo achapera simba, pamwechete nemhuka dzesango neshiri dzokudenga; naidzo hove dzegungwa dzichabviswa.
4“Ngakurege kuva nomunhu anokakavara kana munhu anotuka; nokuti vanhu vako vakaita savanokakavara nomupristi. 5Iwe uchagumburwa masikati, nomuporofita achagumburwawo pamwechete newe usiku; ndichaparadza mai vako. 6Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva mupristi wangu; zvawakanganwa murayiro waMwari wako, neniwo ndichakanganwa vana vako.
7“Vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo, ndichashandura kukudzwa kwavo ndikuite kunyadziswa. 8Vakaguta nezvinobva pazvivi zvavanhu vangu, vanopanga nemwoyo yavo zvakaipa zvavo.
9“Saka zvakaita vanhu, ndizvo zvichaita mupristiwo; ndichavarova pamusoro penzira dzavo, ndichavaripidzira zvavanobata. 10Vachadya, asi havangaguti; vachapata, asi havangawandi, nokuti vakarega kuva nehanya naJehovha.
11“Kufeva newaini newaini, itsva, zvinobvisa njere. 12Vanhu vangu vanobvunza mano padanda ravo, vanoziviswa netsvimbo yavo; nokuti mweya wokupeva wakavatadzisa, vakapata, ndokurasa Mwari wavo. 13Vanobayira pamusoro pamakomo, vanopisira zvinonhuwira pazvikomo, napasi pemioki, nemipopirari, nemiterebhini, nokuti mimvuri yayo yakanaka; naizvozvo vakunda venyu vanopata, mwenga yenyu inofeva. 14Handingarovi vakunda venyu kana vachipata, nemwenga yenyu kana ichifeva; nokuti varume vanoenda vari voga nezvifeve, vanobayira navakadzi vanofeva; vanhu vasinganzwisisi vachaparadzwa. 15Kunyange imi, Isiraeri, muchipata, Judha ngavarege kupara mhaka; musasvika Girigari, musakwira Bhetiavheni, uye musapika, muchiti, ‘NaJehovha mupenyu!’
16“Nokuti Isiraeri vanakoma, setsiru rinokoma; zvino Jehovha achavafudza segwayana panzvimbo mhamhi. 17Efuremu anonamatirana nezvifananidzo, muregei. 18Zvavanonwa zvinovava; vanoramba vachipata; vabati vavo vanofarira zvikuru zvinonyadzisa. 19Mhepo yakavaputira namapapiro ayo; vachanyadziswa nokuda kwezvibayiro zvavo.

Zvasarudzwa nguva ino

Hosea 4: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda