Hosea 14:5-7
Hosea 14:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichava sedova kuna Israeri; achatunga seruva remahapa. Somusidhari weRebhanoni achadzikisa midzi yake; mabukira ake achakura. Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi, kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni. Vanhu vachagarazve mumumvuri wake. Achabudirira sezviyo. Achatunga maruva somuzambiringa, uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.
Hosea 14:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichava sedova kuna Isiraeri, vachatunga seruva, vachatanda midzi yavo seRebhanoni. Matavi avo achatanda, kunaka kwavo kuchafanana nomuorivhi, nokunhuwira kwavo sokweRebhanoni. “Vanogara mumumvuri wavo vachadzoka, vachararama sezviyo, nokutunga maruva somudzambiringa; kurumbidzwa kwavo kuchafanana newaini yeRebhanoni.
Hosea 14:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichaita sedova kuIsiraeri igotumbuka seruva rejongwe igodzika midzi somupopura nhungirwa dzayo dzichipasa uko nokoko, kuyevedza kweIsiraeri kuchaita sekwemuorivhi, kunhuwirira kwayo, kuchiita sekwenyika yeRebhanoni. Vachadzoka kuzogara mumumvuri wangu vagoita sebindu rizere nezvirimwa. Vachapfumvudza somugirepisi kunhuwirira kwavo kuchiita sewaini yeRebhanoni.
Hosea 14:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaʋa seɗoʋa kunaIsraeri, ʋacatuŋga seruʋa, ʋacatanda midzi yaʋo seRebanoni. Mataʋi aʋo acatanda, kunaka kwaʋo kucafanana nomuorivi, nokunhuwira kwaʋo sokweRebanoni. Ʋanogara mumumvuri waʋo ʋacadzoka, ʋacararama seɀiyo, nokutuŋga maruʋa somuzambiriŋga; kurumbidzwa kwaʋo kucafanana newaini yeRebanoni.
Hosea 14:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)