Hosea 14
14
Jehovha anodana Isiraeri kuti vadzokere kwaari
1Aiwa, imi Isiraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu. 2Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari, “Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibayiro zvedu. 3Asiria havangatiponesi; hatingatasvi mabhiza, hatingazoti kubasa ramaoko edu. Ndimi vamwari vedu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.” 4“Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nokuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari. 5Ndichava sedova kuna Isiraeri, vachatunga seruva, vachatanda midzi yavo seRebhanoni. 6Matavi avo achatanda, kunaka kwavo kuchafanana nomuorivhi, nokunhuwira kwavo sokweRebhanoni.
7“Vanogara mumumvuri wavo vachadzoka, vachararama sezviyo, nokutunga maruva somudzambiringa; kurumbidzwa kwavo kuchafanana newaini yeRebhanoni.
8“Efuremu, ndichineiko nezvifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuonde mutema, zvibereko zvako zvichawanikwa kwandiri.”
9Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.
Zvasarudzwa nguva ino
Hosea 14: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002