Joere 1
1
Muporofita anochema pamusoro pokuparadzwa kwenyika nemhashu
1Shoko raJehovha, rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.
2“Inzwai chinhu ichi, imi vatana, murereke nzeve dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko zvakadai zvakamboitwa pamazuva enyu, kana pamazuva amadzibaba enyu here? 3Udzai vana venyu izvozvo, vana venyu vaudzewo vana vavo, navana vavo vaudze rumwe rudzi runotevera. 4Zvakasiyiwa nomuteteni, zvakadyiwa nemhashu; zvakasiyiwa nemhashu, zvakadyiwa negwatakwata; zvakasiyiwa negwatakwata, zvakadyiwa nomupedzachose. 5Mukai, imi vakabatwa nedoro, mucheme; ungudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu. 6Nokuti rumwe rudzi rwasvika panyika yangu, rwakasimba, rusingaverengwi; meno arwo meno eshumba, runa meno makuru eshumbakadzi. 7Rwakaparadza muzambiringa wangu, nokuvhuna muonde wangu; rwakausvuura kwazvo, nokuuwisira pasi; matavi awo acheneswa. 8Chemai semhandara yakazvisunga chiuno namasaga nokuda kwomurume woumhandara hwayo. 9Chipiriso choupfu nechipiriso chinonwiwa zvabviswa paimba yaJehovha; vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, vanochema. 10Munda waparadzwa, nyika inochema; nokuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapwa, mafuta apera. 11Nyarai imi varimi, ungudzai imi varimi vemizambiringa, nokuda kwezviyo nebhari; nokuti zvakaberekwa neminda zvaparadzwa. 12Muzambiringa wasvava, muonde unoshaiwa simba, mutamba nomuchindwewo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yaoma; mufaro wavanakomana vavanhu wapera. 13Zvisungei zviuno namasaga, mucheme imi vapristi; ungudzai imi vashumiri veatari; uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi vashumiri vaMwari wangu; nokuti chipiriso choupfu nechipiriso chinonwiwa zvadziviswa paimba yaMwari wenyu. 14Tsaurai zuva rokuzvinyima zvokudya, danai vanhu kuungano yakatarwa, kokerai vakuru navose vagere panyika kuimba yaJehovha Mwari wenyu, mudane kuna Jehovha. 15Aiwa, zuva iro here! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo, richasvika richiparadza richibva kuna waMasimbaose. 16Ko zvokudya hazvina kubviswa pamberi pedu, nomufaro nokufarisisa paimba yaMwari wedu here! 17Mbeu dzinoorera pasi pamavhinga adzo; matura aparadzwa, tsapi dzaputswa; nokuti zviyo zvafa. 18Zvipfuwo zvinogomera sei! Mapoka emombe akanganiswa, nokuti hazvichina mafuro; zvirokwazvo, mapoka amakwai aparadzwa. 19Aiwa, Jehovha, ndinodana kwamuri, nokuti moto wapedza mafuro erenje, murazvo wapisa miti yose yokusango. 20Zvirokwazvo, mhuka dzokusango dzinochemera kwamuri, nokuti hova dzemvura dzapwa, uye moto wapedza mafuro erenje.
Zvasarudzwa nguva ino
Joere 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002