Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 14

14
Jehova unoɗana Israeri kuti ʋadzokere kwaari.
1Haiwa, imi Israeri, dzokerai kunaJehova Mŋari wenyu, nokuti makagumburwa neɀakaipa ɀenyu. 2Endai namashoko, mudzokere kunaJehova, muti kwaari: Bvisai ɀakaipa ɀose, mugamucire ɀinhu ɀakanaka, ipapo ticakupai miromo yeɗu, ɀiʋe ɀiɓayiro ɀeɗu. 3Asiria haʋaŋgatiponesi; hatiŋgataȿi mabiza, hatiŋgazoti kuɓasa ramaʋoko eɗu: Ndimi ʋamŋari ʋeɗu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri. 4Ndicaporesa kudzokera kwaʋo shure, ndicaʋaɗa nokuɗa kwaŋgu; nokuti kutsamŋa kwaŋgu kwabviswa kwaʋari. 5Ndicaʋa seɗoʋa kunaIsraeri, ʋacatuŋga seruʋa, ʋacatanda midzi yaʋo seRebanoni. 6Mataʋi aʋo acatanda, kunaka kwaʋo kucafanana nomuorivi, nokunhuwira kwaʋo sokweRebanoni. 7Ʋanogara mumumvuri waʋo ʋacadzoka, ʋacararama seɀiyo, nokutuŋga maruʋa somuzambiriŋga; kurumbidzwa kwaʋo kucafanana newaini yeRebanoni. 8Efraimi, ndicineiko neɀifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuʋonde mutema, ɀiɓereko ɀako ɀicawanikwa kwandiri. 9Ndianiko wakacenjera, anzwisise ɀinhu iɀi, kana wakaŋgwara, aɀiziʋe? Nokuti nzira dzaJehova dzakarurama, ʋakarurama ʋacafamba nadzo; asi ʋaɗariki ʋacawa madziri.

Zvasarudzwa nguva ino

Hosea 14: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda