Hosea 13
13
Jehova unoraira Israeri pamsoro pokutsauka kwaʋo.
1Efraimi ʋakati ʋacitaura, kuɗeɗera kukaʋa’po; ʋakaɀikudza pakati paIsraeri; asi wakati apara mhaka naBaari, akafa. 2Asi ɀino ʋanoŋgoramba ʋaciwedzera ɀiʋi ɀaʋo, ʋakaɀiitira ɀifananidzo ɀakaʋumbga nesirveri yaʋo, ɀiri ɀifananidzo ɀenjere dzaʋo, ɀose ɀiri ɓasa remhizha; ɀino ʋanoti pamsoro paɀo: Ʋanoɓayira mhuru ŋgaʋadziȿete. 3Saka ʋacaita semhute yamaŋgwanani, seɗoʋa rinokurumidza kunyaŋgarika, sehundi inopepereswa necampupuri paɓuriro, soʋutsi bgecoto ʋunoɓuɗa napaʋuri. 4Kunyaŋge ɀakaɗaro ndini Jehova Mŋari wako kubva panyika yeEgipita; hamuziʋi mumŋe mŋari asi ini, hakunomumŋe muponesi kunze kwaŋgu. 5Ndakakuziʋai murenje, munyika yakawoma kwaɀo. 6Ɀaʋakapiwa mafuro akanaka, ʋakaguta; ʋakaguta, mŋoyo yaʋo ikaɀikudza, naiɀoɀo ʋakandikaŋganwa. 7Saka ndaʋa kwaʋari seshumba, ndicaʋagarira panzira seŋgwe; 8ndicarwa naʋo seɓere rakatorerwa ʋana ʋaro, ndicatsemura cifukidziro comŋoyo waʋo; ndicaʋadyira’po seshumbakadzi; ɀikara ɀicaʋabvamburanya. 9Ndiɀo ɀicakuparadzai, imi Israeri, ɀamunorwa neni, ini muɓatsiri wenyu. 10Ko ɀino mambo wenyu uripi, akuponesei mumaguta enyu ose? Ko ʋatoŋgi ʋenyu ʋaripi, ʋamaiti: Tipei mambo namacinda? 11Ndakakupai mambo pakutsamŋa kwaŋgu, ndikamubvisa ɀe nehasha dzaŋgu. 12Ɀakaipa ɀaEfraimi ɀakasuŋgwa pamŋe cete, ɀiʋi ɀake ɀakaceŋgetwa. 13Kurwadziwa kwomukadzi unosurumuka kucaȿika kwaari; iye mŋanakomana usinenjere; nokuti kana ŋguʋa iciȿika, haasweɗeri pakuɀarwa. 14Ndicaʋadzikinura pasimba reSheori, ndicaʋadzikinura parufu. Haiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Haiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi? Kuɀiɗemba hakuŋgaʋonekwi nameso aŋgu. 15Kunyaŋge akaɓereka ɀiɓereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuʋa icaȿika, iri mhepo yaJehova inobva kurenje; cituɓu cake cicapxa, tsime rake ricawoma; iye ucapamba fuma yenhumbi dzose dzinoɗikanwa. 16Samaria ricaʋa nemhoȿa yaro, nokuti ʋakamukira Mŋari waʋo; ʋacaparadzwa nomunondo, ʋacece ʋaʋo ʋacaputsanyiwa, ʋakadzi ʋaʋo ʋanemimba ʋacatumburwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Hosea 13: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018