VaHebheru 5:1-6
VaHebheru 5:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi. Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera. Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu. Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira kudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni. Saizvozvowo Kristu haana kuzvitorera iye kubwinya kwokuva muprista mukuru. Asi Mwari akati kwaari, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.” Uye akati, pane imwe nzvimbo, “Ndiwe muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.”

VaHebheru 5:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe, akatorwa kuvanhu, anogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi; iye anogona kunzwira tsitsi avo vasingazivi navakatsauka, nokuti naiyewo amene akakomberedzwa noutera. Nemhaka iyo iye amene anofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvavanhu. Hakuna munhu angazvitorera basa iri rinokudzwa, asi kana achidanwa naMwari saiye Aroni. Saizvozvowo Kristu haana kuzvikudza iye, achiitwa mupristi mukuru, asi akakudzwa naiye, akati kwaari, “Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakakubereka;” Sezvaanorevawo pane imwe nzvimbo, achiti, “Ndiwe Mupristi nokusingaperi Unorudzi naMerekizedheki.”
VaHebheru 5:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa achibva mukati mavanhu kuti ashande akamirira vanhu pane zvinhu zvaMwari. Anogadzwa upristi kuti apire zvipo nezvibayiro zvekuripira zvitadzo. Anogona kubata zvakapfava avo vasina chavanoziva navanotsauka munzira kwayo nokuti naiyewo akakomberedzwa noutera. Ndokusaka achifanira kuti apire zvibayiro zvokuripira zvitadzo zvake pachake nezvitadzo zvavanhu. Hakuna munhu anoita zvokuzvipa hukuru ihohu iye pachake, asi kuti anotodaidzwa naMwari sezvakaitwa Aroni. Saka naKristuwo haana kuita zvokukambira kugadzwa upristi hukuru, asi kuti akagadzwa nouyo akamuti, “Iwe uri Mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.” Sokutaura kwaanoita zvakare pane imwe ndima achiti, “Iwe uri mupristi nokusingaperi wegovero raMerekizedheki.”
VaHebheru 5:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti muprista mukuru mumŋe nomumŋe, wakatorwa kuʋanhu, unogadzwa nokuɗa kwaʋanhu paɀinhu ɀaMŋari, kuti aɓayire ɀipo neɀiɓayiro pamsoro peɀiʋi; iye unogona kunzwira tsitsi aʋo ʋasiŋgaziʋi naʋakatsauka, nokuti naiye ʋo amene wakakomberedzwa noʋutera. Nemhaka iyo iye amene unofanira kuɀiɓayira pamsoro peɀiʋi ɀake, seɀaanoɓayira ɀaʋanhu. Hakunomunhu uŋgaɀitorera ɓasa iri rinokudzwa, asi kana aciɗanwa naMŋari saiye Aroni. Saiɀoɀo ʋo Kristu haana‐kuɀikudza iye, aciitwa muprista mukuru, asi wakakudzwa naiye, wakati kwaari: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, Nhasi ndakakuɓereka; Seɀaanoreʋa ʋo paneimŋe nɀimbo, aciti: Ndiwe Muprista nokusiŋgaperi Unorudzi naMerkisedeki.
VaHebheru 5:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)