Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaHeberu 5

5
1Nokuti muprista mukuru mumŋe nomumŋe, wakatorwa kuʋanhu, unogadzwa nokuɗa kwaʋanhu paɀinhu ɀaMŋari, kuti aɓayire ɀipo neɀiɓayiro pamsoro peɀiʋi; 2iye unogona kunzwira tsitsi aʋo ʋasiŋgaziʋi naʋakatsauka, nokuti naiye ʋo amene wakakomberedzwa noʋutera. 3Nemhaka iyo iye amene unofanira kuɀiɓayira pamsoro peɀiʋi ɀake, seɀaanoɓayira ɀaʋanhu. 4Hakunomunhu uŋgaɀitorera ɓasa iri rinokudzwa, asi kana aciɗanwa naMŋari saiye Aroni. 5Saiɀoɀo ʋo Kristu haana‐kuɀikudza iye, aciitwa muprista mukuru, asi wakakudzwa naiye, wakati kwaari:
Ndiwe Mŋanakomana waŋgu,
Nhasi ndakakuɓereka;
6Seɀaanoreʋa ʋo paneimŋe nɀimbo, aciti:
Ndiwe Muprista nokusiŋgaperi
Unorudzi naMerkisedeki.
7Iye, pamazuʋa enyama yake, wakaʋuya kunaiye wakaŋga acigona kumurwira parufu, neminyeŋgetero nemikumbiro, acicema nokucema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuɗa kwokutya kwake Mŋari; 8kunyaŋge aiʋa Mŋanakomana, wakadzidza kuterera neɀaakatambudzika; 9akati akwaniswa, akazoʋa muʋambi wokuponeswa kusiŋgaperi kunaʋose ʋanomuterera; 10akanzi naMŋari Muprista mukuru unorudzi naMerkisedeki.
Ʋatendi ʋanofanira kupfuʋurira mberi pakutenda.
11Tinamashoko mazhinji atiŋgataura pamsoro pake, anorema kuɗudzira, ɀamaʋa ʋanhu ʋasicagoni kunzwisisa kwaɀo. 12Nokuti, kunyaŋge maifanira kuʋa ʋadzidzisi ɀino, kana ticitarira ŋguʋa, mofanira ɀe kuti muʋe nomumŋe unokudzidzisai dzidzo dzokutaŋga dzokuʋamba kweɀireʋo ɀaMŋari; maʋa ʋanhu ʋanofanira kupiwa ɀe mukaka, ʋasiŋgapiwi ɀokudya ɀikukutu. 13Nokuti mumŋe nomumŋe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucece hake. 14Asi ɀokudya ɀikukutu ndeɀaʋakuru, ʋanokuziʋa kwakadzidziswa, nenzira yokuroʋedzwa, kuziʋisisa ɀakanaka neɀakaipa.

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaHeberu 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda