Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaHeberu 6

6
1Naiɀoɀo ŋgatisiye shoko rokutaŋga kwaKristu, tipfuʋurire mberi pakukwaniswa, tisiŋgaisi ɀe nheyo dzokutendeʋuka pamaɓasa akafa, nedzokutenda kunaMŋari, 2nedzedzidziso yokubapatidza, nedzokuisa maʋoko, nedzokumuka kwaʋakafa, nedzokutoŋgwa kusiŋgaperi. 3Ndiɀo ɀaticaita, kana Mŋari acitendera. 4Nokuti kana ʋari iʋo, ʋakambovenekerwa, ʋakaraʋira cipo cokuɗeŋga, ʋakagoʋerwa Mŋeya Mutȿene, 5ʋakaraʋira shoko rakanaka raMŋari, namasimba enyika inoʋuya, 6kana ʋakazotsauka, haɀibviri kuʋaʋandudza ɀe kuti ʋatendeʋuke, nokuti ʋanoɀiroʋerera ɀe Mŋanakomana waMŋari pamucinjikwa, ʋacimunyadzisa pacena. 7Nokuti nyika iyo, inoti kana yanwa mvura inosinaya pamsoro payo kazhinji, ikaɓereka miriʋo yakafanira ʋo aʋo ʋainorimirwa, ndiyo inoropafadzwa naMŋari; 8asi kana ikaɓereka minzwa norukato, inorashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.
9Asi ʋaɗikanwa, kunyaŋge ticitaura kuɗai, tinoziʋa kwaɀo pamsoro penyu ɀinhu ɀinopfuʋura nokunaka, ɀinoisa kukuponeswa. 10Nokuti Mŋari haazati ari usakarurama, uŋgakaŋganwa ɓasa renyu noruɗo rwamakaratidza nokuɗa kwezita rake, ɀamakashumira ʋatȿene, muciʋashumira naɀino. 11Ɀino tinoɗa kuti mumŋe nomumŋe wenyu ashiŋgaire saiɀoɀo, kuti muʋe netariro yakakwana kuȿikira pakuguma. 12Kuti murege kuʋa noʋusimbe, asi muʋe ʋateʋeri ʋaiʋo ʋanodya nhaka yeɀipikirwa nenzira yokutenda nokutsuŋgirira.
13Nokuti Mŋari pakupikira Abrahama, wakapika naiye amene, nokuti wakaŋga asinomukuru kwaari waaŋgapika naye, 14akati: Ɀirokwaɀo nokuropafadza ndicakuropafadza, nokuwanza ndicakuwanza. 15Nokuɗaro, wakati atsuŋgirira, akawana cipikirwa. 16Nokuti ʋanhu ʋanopika nomukuru kwaʋari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakaʋa rose pakati paʋo. 17Saiɀoɀo Mŋari wakati aciɗa ɀikuru kuratidza ʋadyi ʋenhaka yecipikirwa, kuti cireʋo cake hacishandurwi, wakapinda pakati nokupika; 18kuti neɀinhu ɀiʋiri ɀisiŋgashandurwi, ( nokuti paɀiri Mŋari haagoni kureʋa nhema), tiʋe nesimbiso yakaɓata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi peɗu, kuti tiiɓate; 19yatinayo seciɓatiso coMŋeya, tariro isiŋgazunuŋguswi, yakasimba, inopinda kuneɀiri mukati mecidzitiro cetembere; 20pakapinda mutuŋgamiriri nokuɗa kweɗu, iye Jesu wakaitwa muprista mukuru nokusiŋgaperi, unorudzi naMerkisedeki.

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaHeberu 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda