VaHebheru 5
5
1Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa achibva mukati mavanhu kuti ashande akamirira vanhu pane zvinhu zvaMwari. Anogadzwa upristi kuti apire zvipo nezvibayiro zvekuripira zvitadzo. 2Anogona kubata zvakapfava avo vasina chavanoziva navanotsauka munzira kwayo nokuti naiyewo akakomberedzwa noutera. 3Ndokusaka achifanira kuti apire zvibayiro zvokuripira zvitadzo zvake pachake nezvitadzo zvavanhu. 4Hakuna munhu anoita zvokuzvipa hukuru ihohu iye pachake, asi kuti anotodaidzwa naMwari sezvakaitwa Aroni.
5Saka naKristuwo haana kuita zvokukambira kugadzwa upristi hukuru, asi kuti akagadzwa nouyo akamuti,
“Iwe uri Mwanakomana wangu
nhasi ndakubereka.”
6Sokutaura kwaanoita zvakare pane imwe ndima achiti,
“Iwe uri mupristi nokusingaperi
wegovero raMerekizedheki.”
7Pamazuva ake paakanga achinomuviri wake, Jesu akanamata nokuteterera achichema kwazvo nezwi guru aine misodzi padama kuna iye aigona kumununura kurufu. Chichemo chake chakanzwika, nokuti aive ari anotya Mwari. 8Kunyange akanga ari Mwanakomana, nokutambudzika kwaakaita, akadzidza kuti chinonzi kuteerera chii. 9Paakanga zvino, aitwa munhu akaruramisisa akazova musakisi woruponeso kuna vose vanomuteerera, 10nokuti anotumidzwa naMwari kunzi mupristi mukuru wegovero raMerekizedheki.
III: UPRISTI HWECHOKWADI HWAJESU KRISTU
Yambiro pamusoro pokudzokera shure muchitendero
11Pane zvizvi tine zvinhu zvizhinji zvokureva asi zvakaoma kutsanangura nokuti zvavakukuomerai kunzwisisa, 12nokuti kunyange zvazvo, parinhasi, muchifanira kunge matova vadzidzisi, mavakutoda mumwe anokudzidzisaizve zvidzidziso zvokutanga zvamashoko aMwari. Mavakutofanira kupihwa mukaka panze pokupihwa chokudya chakasimba.
13Nokuti wose anorarama nomukaka haasati aziva shoko roururami pamusana pokuti mwana muduku. 14Chokudya chakasimba ndechevabve zano, vanepfungwawo dzakapingudzwa nokuramba vachiita zvinhu kuti vazive kutsaura zvakanaka kune zvakaipa.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 5: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.