VaHebheru 5:1-3
VaHebheru 5:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi. Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera. Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu.
VaHebheru 5:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe, akatorwa kuvanhu, anogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi; iye anogona kunzwira tsitsi avo vasingazivi navakatsauka, nokuti naiyewo amene akakomberedzwa noutera. Nemhaka iyo iye amene anofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvavanhu.
VaHebheru 5:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa achibva mukati mavanhu kuti ashande akamirira vanhu pane zvinhu zvaMwari. Anogadzwa upristi kuti apire zvipo nezvibayiro zvekuripira zvitadzo. Anogona kubata zvakapfava avo vasina chavanoziva navanotsauka munzira kwayo nokuti naiyewo akakomberedzwa noutera. Ndokusaka achifanira kuti apire zvibayiro zvokuripira zvitadzo zvake pachake nezvitadzo zvavanhu.
VaHebheru 5:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti muprista mukuru mumŋe nomumŋe, wakatorwa kuʋanhu, unogadzwa nokuɗa kwaʋanhu paɀinhu ɀaMŋari, kuti aɓayire ɀipo neɀiɓayiro pamsoro peɀiʋi; iye unogona kunzwira tsitsi aʋo ʋasiŋgaziʋi naʋakatsauka, nokuti naiye ʋo amene wakakomberedzwa noʋutera. Nemhaka iyo iye amene unofanira kuɀiɓayira pamsoro peɀiʋi ɀake, seɀaanoɓayira ɀaʋanhu.
VaHebheru 5:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)