VaHebheru 2:9-18
VaHebheru 2:9-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi tinoona Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, zvino ashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti akatambudzika murufu, kuitira kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose. Mukuuyisa vanakomana vazhinji pakubwinya, zvakanga zvakafanira kuti Mwari iye akaitirwa zvinhu zvose uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, aite muvambi woruponeso rwazvo rwakakwana nenzira yokutambudzika. Vose, iye anoita kuti vanhu vave vatsvene uye avo vanoitwa vatsvene ndevemhuri imwe chete. Saka Jesu haana nyadzi kuti avaidze hama. Anoti, “Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; pamberi peungano ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai.” Uyezve anoti, “Ndichavimba naye.” Uyezve anoti, “Ndiri pano, navana vandakapiwa naMwari.” Sezvo vana vane ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pakuva nyama kwavo, kuitira kuti rufu rwake ruparadze iye ane simba rorufu, iye dhiabhori uye agosunungura vaya vakanga vakasungwa muuranda upenyu hwavo hwose nokutya kwavo rufu. Nokuti zvirokwazvo havasi vatumwa vaakabatsira, asi zvizvarwa zvaAbhurahama. Nokuda kwemhaka iyi aifanira kuitwa sehama dzake munzira yose, kuitira kuti agova muprista mukuru ane tsitsi uye akatendeka muushumiri kuna Mwari, uye kuti ayananise vanhu nokuda kwezvivi zvavo. Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa.
VaHebheru 2:9-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi tinomuona, iye Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, akashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuda kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose. Nokuti zvakanga zvakafanira kuti iye, akaitirwa zvinhu zvose, uye akaita zvinhu zvose, pakuisa kwake vanakomana vazhinji pakubwinya, akwanise Mutungamiriri wokuponeswa kwavo nenzira yokutambudzika. Nokuti uyo, anovaita vatsvene, naivo vanoitwa vatsvene, vose vakabva kunomumwe; nemhaka iyi haana nyadzi kuvaidza hama, Zvaanoti, “Ndichaparidzira hama dzangu zita renyu, Ndichakuimbirai pakati pekereke.” Uyezve, “Ndichatenda kwaari.” Uyezve, “Tarira, ndini navana vandakapiwa naMwari.” Naizvozvo, vana zvavakagoverwa ropa nenyama, naiyewo akagovana navo panaizvozvi; kuti nokufa kwake iye aparadze uyo ane simba rorufu, iye Dhiabhori; agosunungura avo vaiva varanda paupenyu hwavo hwose nokuda kwokutya rufu. Nokuti zvirokwazvo, haabatsiri vatumwa, asi anobatsira vana vaAbhurahamu. Naizvozvo akafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave mupristi mukuru ane ngoni, akatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu. Nokuti zvaakatambudzika iye amene pakuedzwa kwake, anogona kubatsira vanoedzwa.
VaHebheru 2:9-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi tinoona Jesu, iye akamboitwa muduku panavatumwa kwechinguvana achidzikwa chiremba chembiri nokukudzwa, pamusana pamarwadzo erufu kuti anzwe chinonzi rufu nenyasha dzaMwari, achifira munhu wose. Zvaikodzera kuti muridzi wezvinhu zvose, iye nyakuita kuti zvivepo, zvaaida kuendesa vana vazhinji mumbiri, aite kuti namatambudziko, mutungamiriri wavo ave wakaruramisisa. Nokuti iye munatsi wavanhu, naivo vakanatswa, vanobva padzinde rimwechete. Ndokusaka asinganyari kuvati hama, paya paanoti, “Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu, ndichakurumbidzai ndiri mukati meSangano.” Napamwezve paanoti; “Ndichaisa chivimbo changu maari.” Pamwezve achiti; “Ndiri pano navana vaakandipa Mwari.” Naizvozvo, pamusana pokuti vana vedzinza inyama imwechete neropa rimwechete, ndokusaka iyewo akava nyama imwechete neropa rimwechete nesu, kuti norufu rwake agoparadza simba rouyo ainge aine simba rorufu, Satani. Uyezve kuti agozosunungura avo vose vakagara upenyu hwavo hwose vari nhapwa dzokutya rufu. Zviri pachena wani kuti vaakatora akabatsira havasi vatumwa asi vana vechizvarwa chaAbhurahamu. Naizvozvo, aifanira kuva sehama dzake muna zvose, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi, anotendeseka mubasa raMwari, anoripirawo zvitadzo zvavanhu. Nokuti iye pachake akatambudzika akaedzwa, anokwanisawo kubatsira avo vanoedzwa.
VaHebheru 2:9-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi tinomuʋona, iye Jesu, wakaitwa muɗuku ɀishoma kuʋatumŋa, akashoŋgedzwa korona yokubginya nokukudzwa nokuɗa kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMŋari anzwe rufu nokuɗa kwaʋose. Nokuti ɀakaŋga ɀakafanira kuti iye, wakaitirwa ɀinhu ɀose, ʋuye wakaita ɀinhu ɀose, pakuisa kwake ʋanakomana ʋazhinji pakubginya, akwanise Mutuŋgamiriri wokuponeswa kwaʋo nenzira yokutambudzika. Nokuti uyo, unoʋaita ʋatȿene, naiʋo ʋanoitwa ʋatsene, ʋose ʋakabva kunomumŋe; nemhaka iyi haanenyadzi kuʋaidza hama, Ɀaanoti: Ndicaparidzira hama dzaŋgu zita renyu, Ndicakuimbirai pakati pekereke. Ʋuye ɀe: Ndicatenda kwaari. Ʋuye ɀe: Tarira, ndini naʋana ʋandakapiwa naMŋari. Naiɀoɀo, ʋana ɀaʋakagoʋerwa ropa nenyama, naiye ʋo wakagoʋana naʋo panaiɀoɀi; kuti nokufa kwake iye aparadze uyo unesimba rorufu, iye Diaborosi; agosunuŋgura aʋo ʋaiʋa ʋaranda paʋupenyu bgaʋo bgose nokuɗa kwokutya rufu. Nokuti ɀirokwaɀo, haaɓatsiri ʋatumŋa, asi unoɓatsira ʋana ʋaAbrahama. Naiɀoɀo wakafanira kuti aenzaniswe nehama dzake paɀinhu ɀose, kuti aʋe muprista mukuru Uneŋgoni, wakatendeka paɀinhu ɀaMŋari, kuti adzikinure ɀiʋi ɀaʋanhu. Nokuti ɀaakatambudzika iye amene pakuidzwa kwake, unogona kuɓatsira ʋanoidzwa.
VaHebheru 2:9-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)