VaHebheru 2
2
Njodzi yokusateerera
1Saka tinofanira kuteerera zvikuru izvo zvatakanzwa, kuti tirege kukukurwa. 2Nokuti kana shoko rakanga rataurwa navatumwa, rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa mubayiro wakarurama, 3ko isu tichatiza sei, kana tisina hanya nokuponeswa kukuru kwakadai? Uku kwakaparidzwa pakutanga naIshe, kukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa; 4naiye Mwariwo achipupurirana navo nezviratidzo nezvinoshamisa, namabasa esimba mazhinji, nezvipo zvoMweya Mutsvene, nokuda kwake.
Kristu akaitwa munhu kuti asunungure vanhu pazvivi zvavo
5Nokuti nyika inozouya, yatinoreva, haana kuiisa pasi pavatumwa. 6Asi mumwe akapupura kwazvo paneimwe nzvimbo, achiti,
“Ko munhu chinyiko, zvamunomufunga?
Kana Mwanakomana womunhu, zvamunomushanyira?
7Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa,
Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa,
8Mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.”
Nokuti pakuisa kwake zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chimwe, chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuona kuti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake. 9Asi tinomuona, iye Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, akashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuda kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose. 10Nokuti zvakanga zvakafanira kuti iye, akaitirwa zvinhu zvose, uye akaita zvinhu zvose, pakuisa kwake vanakomana vazhinji pakubwinya, akwanise Mutungamiriri wokuponeswa kwavo nenzira yokutambudzika. 11Nokuti uyo, anovaita vatsvene, naivo vanoitwa vatsvene, vose vakabva kunomumwe; nemhaka iyi haana nyadzi kuvaidza hama,
12Zvaanoti,
“Ndichaparidzira hama dzangu zita renyu,
Ndichakuimbirai pakati pekereke.”
13Uyezve, “Ndichatenda kwaari.” Uyezve, “Tarira, ndini navana vandakapiwa naMwari.”
14Naizvozvo, vana zvavakagoverwa ropa nenyama, naiyewo akagovana navo panaizvozvi; kuti nokufa kwake iye aparadze uyo ane simba rorufu, iye Dhiabhori; 15agosunungura avo vaiva varanda paupenyu hwavo hwose nokuda kwokutya rufu. 16Nokuti zvirokwazvo, haabatsiri vatumwa, asi anobatsira vana vaAbhurahamu. 17Naizvozvo akafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave mupristi mukuru ane ngoni, akatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu. 18Nokuti zvaakatambudzika iye amene pakuedzwa kwake, anogona kubatsira vanoedzwa.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 2: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002