1
VaHebheru 2:18
Shona Bible 1949, revised 2002
Nokuti zvaakatambudzika iye amene pakuedzwa kwake, anogona kubatsira vanoedzwa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
VaHebheru 2:14
Naizvozvo, vana zvavakagoverwa ropa nenyama, naiyewo akagovana navo panaizvozvi; kuti nokufa kwake iye aparadze uyo ane simba rorufu, iye Dhiabhori
3
VaHebheru 2:1
Saka tinofanira kuteerera zvikuru izvo zvatakanzwa, kuti tirege kukukurwa.
4
VaHebheru 2:17
Naizvozvo akafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave mupristi mukuru ane ngoni, akatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu.
5
VaHebheru 2:9
Asi tinomuona, iye Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, akashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuda kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo