VaHebheru 2
2
Yambiro pamusoro poKusateerera
1Saka tinofanira kuteerera zvikuru, izvo zvatakanzwa, kuitira kuti tirege kutsauka. 2Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira, 3ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa. 4Mwariwo akarupupurira nezviratidzo, zvishamiso, mabasa esimba akasiyana-siyana, uye nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake.
Jesu akaitwa Munhu
5Hapazi pasi pavatumwa pakaiswa nyika inouya, yatiri kutaura nezvayo. 6Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti:
“Ko, munhu chii zvamunomufunga,
kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?
7Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa;
makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa
8uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.”
Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake. 9Asi tinoona Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, zvino ashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti akatambudzika murufu, kuitira kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.
10Mukuuyisa vanakomana vazhinji pakubwinya, zvakanga zvakafanira kuti Mwari iye akaitirwa zvinhu zvose uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, aite muvambi woruponeso rwazvo rwakakwana nenzira yokutambudzika. 11Vose, iye anoita kuti vanhu vave vatsvene uye avo vanoitwa vatsvene ndevemhuri imwe chete. Saka Jesu haana nyadzi kuti avaidze hama. 12Anoti,
“Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu;
pamberi peungano ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai.”
13Uyezve anoti,
“Ndichavimba naye.”
Uyezve anoti,
“Ndiri pano, navana vandakapiwa naMwari.”
14Sezvo vana vane ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pakuva nyama kwavo, kuitira kuti rufu rwake ruparadze iye ane simba rorufu, iye dhiabhori 15uye agosunungura vaya vakanga vakasungwa muuranda upenyu hwavo hwose nokutya kwavo rufu. 16Nokuti zvirokwazvo havasi vatumwa vaakabatsira, asi zvizvarwa zvaAbhurahama. 17Nokuda kwemhaka iyi aifanira kuitwa sehama dzake munzira yose, kuitira kuti agova muprista mukuru ane tsitsi uye akatendeka muushumiri kuna Mwari, uye kuti ayananise vanhu nokuda kwezvivi zvavo. 18Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 2: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.