VaHebheru 2:5-9
VaHebheru 2:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hapazi pasi pavatumwa pakaiswa nyika inouya, yatiri kutaura nezvayo. Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti: “Ko, munhu chii zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye? Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake. Asi tinoona Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, zvino ashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti akatambudzika murufu, kuitira kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.
VaHebheru 2:5-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti nyika inozouya, yatinoreva, haana kuiisa pasi pavatumwa. Asi mumwe akapupura kwazvo paneimwe nzvimbo, achiti, “Ko munhu chinyiko, zvamunomufunga? Kana Mwanakomana womunhu, zvamunomushanyira? Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa, Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa, Mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Nokuti pakuisa kwake zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chimwe, chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuona kuti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake. Asi tinomuona, iye Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, akashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuda kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.
VaHebheru 2:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari haana kuisa pasi pavatumwa nyika ichauya, yatiri kutaura nezvayo. Zvakapupurirwawo kumwe zvichinzi, “Iye munhu chiikowo zvake wamunorangarira? “Iye munhuwo zvake wamunochengeta. Kwechinguvana mukamuita kuti ave mudiki kuvatumwa, mukamupfekedza ndaza nembiri norukudzo. Makaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pamakaisa zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya nechinhu chose chisiri mumaoko ake. Iye zvino hatisati zvedu toona zvinhu zvose zviri pasi pake. Asi tinoona Jesu, iye akamboitwa muduku panavatumwa kwechinguvana achidzikwa chiremba chembiri nokukudzwa, pamusana pamarwadzo erufu kuti anzwe chinonzi rufu nenyasha dzaMwari, achifira munhu wose.
VaHebheru 2:5-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti nyika, inozoʋuya, yatinoreʋa, haana‐kuiisa pasi paʋatumŋa. Asi mumŋe wakapupura kwaɀo paneimŋe nɀimbo, aciti: Ko munhu cinyiko, ɀamunomufuŋga? Kana mŋanakomana womunhu, ɀamunomushanyira? Makamuita muɗuku ɀishoma kuʋatumŋa, Makamushoŋgedza korona yokubginya nokukudzwa, Mukaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake. Nokuti pakuisa kwake ɀinhu ɀose pasi pake, haana‐kusiya cinhu cimŋe, cisinakuiswa pasi pake. Asi ɀino tigere kuʋona kuti ɀinhu ɀose ɀakaiswa pasi pake. Asi tinomuʋona, iye Jesu, wakaitwa muɗuku ɀishoma kuʋatumŋa, akashoŋgedzwa korona yokubginya nokukudzwa nokuɗa kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMŋari anzwe rufu nokuɗa kwaʋose.
VaHebheru 2:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)