VaHebheru 13:7-8
VaHebheru 13:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo. Jesu Kristu anogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi.
VaHebheru 13:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rangarirai vatungamiri venyu vakakuparidzirai shoko raMwari. Cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo muupenyu mugotevera kutenda kwavo. Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi.
VaHebheru 13:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Yeukai vatungamiri venyu vakakutaurirai shoko raMwari murangarire zvakaburwa muupenyu hwavo, mutevedzere chitendero chavo. Jesu Kristu ndiye mumwecheteyo nezuro nanhasi uno uye nokusingaperi. Musarasiswe nezvidzidziso zvakasiyana–siyana uye zvisingazivikanwi.
VaHebheru 13:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Raŋgarirai ʋatuŋgamiriri ʋenyu ʋaikuparidzirai shoko raMŋari; cerekedzai kuguma kwokufamba kwaʋo, mugoteʋera kutenda kwaʋo. Jesu Kristu unogara akaɗaro zuro, nanhasi, nokusiŋgaperi.
VaHebheru 13:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)