Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 6:5-22

Genesisi 6:5-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa. Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” Asi Noa akawana nyasha pamberi paJehovha. Iyi ndiyo rondedzero yezvaNoa. Noa akanga ari munhu akarurama, asina chaanopomerwa pakati pavanhu venguva yake, uye akafamba naMwari. Noa akanga ana vanakomana vatatu vaiti: Shemu, Hamu naJafeti. Zvino nyika yakanga yaora pamberi paMwari uye yakanga yazara nokurwisana. Mwari akaona kuti nyika yakanga yaora sei, nokuti vanhu vose panyika vakanga vaodza nzira dzavo. Saka Mwari akati kuna Noa, “Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo. Zvirokwazvo ndiri kuzovaparadza vose pamwe chete nenyika. Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze. Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatu, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo. Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe chete kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro. Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvino upenyu mazviri. Zvinhu zvose zviri panyika zvichaparara. Asi ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchapinda muareka, iwe navanakomana vako uye nomukadzi wako uye navakadzi vavanakomana vako vari pauri. Unofanira kuisa muareka zviviri zviviri pazvisikwa zvipenyu zvose, chikono nechikadzi, kuti zvirarame pamwe chete newe. Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu. Unofanira kutora zvokudya zvamarudzi ose zvinofanira kudyiwa ugozvichengeta kuti zvigova zvokudya zvako nezvazvo.” Noa akaita zvose sezvaakanga arayirwa naMwari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 6

Genesisi 6:5-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamwoyo pake. Jehovha akati, “Ndichaparadza vanhu vandakasika ndivabvise panyika vanhu, nemhuka, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehovha. Marudzi aNoa ndiwo: Noa wakanga ari munhu wakarurama, asina mhosva mumarudzi ake; Noa wakafamba naMwari. Noa akabereka vanakomana vatatu, vaiti: Shemu, naHamu, naJafeti. Nyika yakanga yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumanikidzana. Mwari akaona nyika kuti yakaora; nokuti vanhu vose vakanga vaodza mufambiro wavo panyika. Ipapo Mwari wakati kuna Noa, “Kupera kwavanhu vose kwasvika pamberi pangu; nokuti vakazadza nyika nokumanikidzana; tarira, ndichavauraya pamwechete nenyika. Uzviitire areka nomuti wegoferi; uite makamuri muareka, uinamire nechomukati nechokunze nenamo. Unofanira kuiita kudai: Kureba kweareka ngakuve makubhiti ana mazana matatu, nokufara kwayo makubhiti makumi mashanu, nokukwirira kwayo makubhiti makumi matatu. Usiye buri paareka; uripedze kana kwasara kubiti rimwe kubva kumusoro; nomusuo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine dzimba nhatu, mutsara wokutanga, nowechipiri, nowechitatu. Tarira, ini ndinouyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvinomweya woupenyu, pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa. Asi ndichaita sungano yangu newe; unofanira kupinda muareka, iwe navanakomana vako, nomukadzi wako, navakadzi vavanakomana vako pamwechete newe. Napazvipenyu zvose zvenyama uise muareka zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zvirarame pamwechete newe; ngazvive mukono nehadzi. Shiri namarudzi adzo, nezvipfuwo namarudzi azvo, nezvinokambaira pasi zvose namarudzi azvo, zvichauya kwauri zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zviraramiswe. Iwe utore marudzi ose ezvokudya zvose zvinodyiwa, uzviunganidzire kwauri; kuti zvive zvokudya zvako nezvazvo.” Noa akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 6

Genesisi 6:5-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akaona kuti uipi hwevanhu hwakanga hwanyanya kuwanda panyika. Akaonawo kuti twavaiswerofunga zuva rose mumwoyo yavo, hwaiva huipi hwoga hwoga. Mwari akakungura kuti dai zvake asina kusika munhu pasi pano, zvikamushungurudza mumwoyo. Tenzi akati, “Ndichatsakatisa panyika vanhu vandakasika, ivo vanhu nemhuka nezvinokambaira nezvinozvova napasi, neshiri dzedenga. Ndino urombo kuti ndakasika vanhu.” Asi Tenzi akafadzwa zvake naNowa. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaNowa. Nowa akanga ari munhu akarurama ano unhu huzere chaihwo pachizvarwa chake. Nowa ainyatsowadzana naMwari. Nowa aiva navana vakomana vatatu, mazita avo ndiShemu naHamu naJafeti. Mukuona kwaMwari nyika yose yakanga yaora noupi, izere nokupandukirana. Mwari akatarisa panyika ndokuona kuti paora kwazvo nouipi nokuti vanhu vose panyika vakanga voita zviito zvakaora. Mwari akataurira Nowa kuti, “Ndafunga kutsakatisa vanhu vose nokuti ndivo vakaita kuti nyika izare nokupandukirana. Ndichavaparadza pamwechete nenyika. Asi iwe chizvigadzirira ngarava yomuti womugoferi, uikamure-kamure kuita dzimba mukati mayo, uiname netara mukati nokunze. Igadzire wakadai, urefu hwayo ngahuite zana nemakumi matatu amamita ana mamita matatu. Hwasha hwayo ngahuite makumi maviri amamita ana mamita maviri. Urefu hwayo kukwira mudenga kuite gumi ramamita namamita matatu. Unoisa denga pangarava usiye gwanza rina masendimita makumi mana namana pakati pedenga nechengo chayo, uite musuo necheparutivi rwengarava. Igadzire iine uriri hutatu hwakaturikidzana. Chinzwaka, ini ndichaunza panyika mafashamo emvura achaparadza zvinhu zvose zvino mweya unofema. Zvinhu zvose zviri panyika zvichafa. Asi ini ndichaita chitenderano changu newe. Ndichati iwe upinde mungarava, nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako. Pamhando yoga yoga yezvinhu zvose zvipenyu unotora zviviri, chikono nechikadzi uende nazvo mungarava zvirarame pamwechete newe. Utorewo zviviri zviviri pamhando yoga yoga yeshiri nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi zvirarame. Unofanirawo kutora mhando dzose dzezvokudya uzviunganidzemo zvive chokudya chako nechazvo.” Nowa akaita zvose zvaakanzi naMwari aite.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 6

Genesisi 6:5-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakaʋona kuti kuipa kwaʋanhu kwakaŋga kuri kukuru panyika, nendaŋgariro dzokufuŋga kwemŋoyo yaʋo dzakaŋga dzakaipa ɓedzi ŋguʋa dzose. Jehova akaɀidemba pamsoro pokuita kwake ʋanhu panyika, akaʋa neshuŋgu pamŋoyo pake. Jehova akati: Ndicaparadza ʋanhu ʋandakasika ndiʋabvise panyika — ʋanhu, nemhuka, neɀinokambaira, neshiri dzeɗeŋga; nokuti ndinoɀiɗemba kuti ndakaɀiita. Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehova. Marudzi aNoa ndiwo: Noa wakaŋga ari munhu wakarurama, asinemhoȿa mumarudzi ake; Noa wakafamba naMŋari. Noa akaɓereka ʋanakomana ʋatatu, ʋaiti: Shemi, naHami, naJafeti. Nyika yakaŋga yakaʋora pamberi paMŋari, nyika yakaŋga izere nokumanikidzana. Mŋari akaʋona nyika kuti yakaʋora; nokuti ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaʋodza mufambiro waʋo panyika. Ipapo Mŋari wakati kunaNoa: Kupera kwaʋanhu ʋose kwaȿika pamberi paŋgu; nokuti ʋakazadza nyika nokumanikidzana; tarirai, ndicaʋaʋuraya pamŋe cete nenyika. Uɀiitire areka nomuti wegoferi; uite makamuri muareka, uinamire necomukati necokunze nenamo. Unofanira kuiita kuɗai: Kureɓa kweareka ŋgakuʋe makubiti anamazana matatu, nokufara kwayo makubiti makumi mashanu, nokukwirira kwayo makubiti makumi matatu. Usiye ɓuri paareka; uripedze kana kwasara kubiti rimŋe kubva kumsoro; nomukoʋa weareka uuise parutiʋi rwayo; uiite inedzimba nhatu, musara wokutaŋga, nowecipiri, nowecitatu. Tarira, ini ndinoʋuyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze ɀipenyu ɀose, ɀinomŋeya woʋupenyu, pasi peɗeŋga; ɀose ɀiri panyika ɀicafa. Asi ndicaita suŋgano yaŋgu newe; unofanira kupinda muareka, iwe naʋanakomana ʋako, nomukadzi wako, naʋakadzi ʋaʋanakomana ʋako pamŋe cete newe. Napaɀipenyu ɀose ɀenyama uise muareka ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀamarudzi ose, kuti ɀirarame pamŋe cete newe; ngaɀiʋe mukono nehadzi. Shiri namarudzi adzo, neɀipfuwo namarudzi aɀo, neɀinokambaira pasi ɀose namarudzi aɀo, ɀicaʋuya kwauri ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀamarudzi ose, kuti ɀiraramiswe. Iwe utore marudzi ose eɀokudya ɀose ɀinodyiwa, uɀiʋuŋganidzire kwauri; kuti ɀiʋe ɀokudya ɀako neɀaɀo. Noa akaita saiɀoɀo; seɀaakarairwa naMŋari, wakaita ɀose saiɀoɀo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 6

Genesisi 6:5-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)