Genesi 6

6
Kutadza kwaʋanhu nokurobga kwaʋo nemʋura.
1Ɀino ʋanhu ʋakati ʋotaŋga kuwanda panyika, ʋaciɓerekerwa ʋanasikana, 2ʋanakomana ʋaMŋari ʋakaʋona ʋakunda ʋaʋanhu kuti ʋakanaka, ʋakaɀitsaurira pakati paʋose ʋaʋakaɗa kuʋa ʋakadzi ʋaʋo. 3Ipapo Jehova akati: Mŋeya waŋgu hauŋgarambi ucigara mumunhu nokusiŋgaperi, ɀaari wenyama ʋo hake; naiɀoɀo mazuʋa ake acaʋa makore anezana namakumi maʋiri. 4Paŋguʋa iyo kwakaŋga kunaʋanhu ʋarefu kwaɀo panyika, napashure ʋo, kana ʋanakomana ʋaMŋari ʋakapinda kuʋanasikana ʋaʋanhu, iʋo ʋakaʋaɓerekera ʋana. Ndiʋo ʋaiʋa ʋanhu ʋanesimba ʋakare, ʋakaŋga ʋakakurumbira. 5Ɀino Jehova wakaʋona kuti kuipa kwaʋanhu kwakaŋga kuri kukuru panyika, nendaŋgariro dzokufuŋga kwemŋoyo yaʋo dzakaŋga dzakaipa ɓedzi ŋguʋa dzose. 6Jehova akaɀidemba pamsoro pokuita kwake ʋanhu panyika, akaʋa neshuŋgu pamŋoyo pake. 7Jehova akati: Ndicaparadza ʋanhu ʋandakasika ndiʋabvise panyika — ʋanhu, nemhuka, neɀinokambaira, neshiri dzeɗeŋga; nokuti ndinoɀiɗemba kuti ndakaɀiita. 8Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehova.
9Marudzi aNoa ndiwo: Noa wakaŋga ari munhu wakarurama, asinemhoȿa mumarudzi ake; Noa wakafamba naMŋari. 10Noa akaɓereka ʋanakomana ʋatatu, ʋaiti: Shemi, naHami, naJafeti. 11Nyika yakaŋga yakaʋora pamberi paMŋari, nyika yakaŋga izere nokumanikidzana. 12Mŋari akaʋona nyika kuti yakaʋora; nokuti ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaʋodza mufambiro waʋo panyika.
13Ipapo Mŋari wakati kunaNoa: Kupera kwaʋanhu ʋose kwaȿika pamberi paŋgu; nokuti ʋakazadza nyika nokumanikidzana; tarirai, ndicaʋaʋuraya pamŋe cete nenyika. 14Uɀiitire areka nomuti wegoferi; uite makamuri muareka, uinamire necomukati necokunze nenamo. 15Unofanira kuiita kuɗai: Kureɓa kweareka ŋgakuʋe makubiti#6:15 Kubiti rimŋe kubva pagokora kuȿikira paminwe. anamazana matatu, nokufara kwayo makubiti makumi mashanu, nokukwirira kwayo makubiti makumi matatu. 16Usiye ɓuri paareka; uripedze kana kwasara kubiti rimŋe kubva kumsoro; nomukoʋa weareka uuise parutiʋi rwayo; uiite inedzimba nhatu, musara wokutaŋga, nowecipiri, nowecitatu. 17Tarira, ini ndinoʋuyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze ɀipenyu ɀose, ɀinomŋeya woʋupenyu, pasi peɗeŋga; ɀose ɀiri panyika ɀicafa. 18Asi ndicaita suŋgano yaŋgu newe; unofanira kupinda muareka, iwe naʋanakomana ʋako, nomukadzi wako, naʋakadzi ʋaʋanakomana ʋako pamŋe cete newe. 19Napaɀipenyu ɀose ɀenyama uise muareka ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀamarudzi ose, kuti ɀirarame pamŋe cete newe; ngaɀiʋe mukono nehadzi. 20Shiri namarudzi adzo, neɀipfuwo namarudzi aɀo, neɀinokambaira pasi ɀose namarudzi aɀo, ɀicaʋuya kwauri ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀamarudzi ose, kuti ɀiraramiswe. 21Iwe utore marudzi ose eɀokudya ɀose ɀinodyiwa, uɀiʋuŋganidzire kwauri; kuti ɀiʋe ɀokudya ɀako neɀaɀo. 22Noa akaita saiɀoɀo; seɀaakarairwa naMŋari, wakaita ɀose saiɀoɀo.

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in