Genesi 5

5
Ʋana ʋaAdama kuȿika kunaNoa.
1Ndiyeyi buku yamarudzi aAdama. Musi waakasika munhu, Mŋari wakamuita nomufananidzo waMŋari; 2wakaʋasika murume nomukadzi; akaʋaropafadza, akaʋatumidza zita rinonzi Munhu, musi waʋakasikwa. 3Adama wakagara makore anezana namakumi matatu, akaɓereka mŋanakomana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti. 4Mazuʋa aAdama shure kwokuɓerekwa kwaSeti akaŋga ari makore anamazana masere; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. 5Mazuʋa ose oʋupenyu bgaAdama akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matatu, akafa.
6Seti wakagara makore anezana namashanu, akaɓereka Enoshi; 7Seti akagara makore anamazana masere namanomŋe shure kwokuɓerekwa kwaEnoshi, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana; 8mazuʋa ose aSeti akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe negumi namaʋiri, akafa.
9Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamŋe, akaɓereka Kenani; 10Shure kwokuɓerekwa kwaKenani Enoshi akagara makore anamazana masere negumi namashanu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana; 11mazuʋa ose aEnoshi akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namashanu, akafa.
12Kenani wakagara makore makumi manomŋe, akaɓereka Maharareri; 13shure kwokuɓerekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore anamazana masere namakumi manna; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. 14Mazuʋa ose aKenani akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe negumi, akafa.
15Maharareri wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akaɓereka Jaredi; 16shure kwokuɓerekwa kwaJaredi, Maharareri akagara makore anamazana masere namakumi matatu, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana; 17mazuʋa ose aMaharareri akaŋga ari makore anamazana masere namakumi mapfumbamŋe namashanu, akafa.
18Jaredi wakagara makore anezana namakumi matanhatu namaʋiri, akaɓereka Enoki; 19shure kwokuɓerekwa kwaEnoki Jaredi akagara makore anamazana masere; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana; 20mazuʋa ose aJaredi akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matanhatu namaʋiri, akafa.
21Enoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akaɓereka Metusara; 22shure kwokuɓerekwa kwaMetusara, Enoki wakafamba naMŋari makore anamazana matatu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. 23Mazuʋa ose aEnoki akaŋga ari makore anamazana matatu namakumi matanhatu namashanu. 24Enoki akafamba naMŋari, akasazoʋa’po, nokuti Mŋari wakamutora.
25Metusara wakagara makore anezana namakumi masere namanomŋe, akaɓereka Rameki; 26shure kwokuɓerekwa kwaRameki, Metusara akagara makore anamazana manomŋe namakumi masere namaʋiri; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. 27Mazuʋa ose aMetusara akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matanhatu namapfumbamŋe, akafa.
28Rameki wakagara makore anezana namakumi masere namaʋiri; akaɓereka mŋanakomana; 29akamutumidza zita rinonzi Noa, aciti: Uyu ucatiʋaraidza paɓasa reɗu napakutambudzika kwamaʋoko eɗu, ɀinobva panyika yakatukwa naJehova. 30Shure kwokuɓerekwa kwaNoa, Rameki akagara makore anamazana mashanu namakumi mapfumbamŋe namashanu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. 31Mazuʋa ose aRameki akaŋga ari makore anamazana manomŋe namakumi manomŋe namanomŋe, akafa.
32Noa wakaŋga anamakore anamazana mashanu; Noa akaɓereka Shemi, naHami, naJafeti.

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in