Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 6:5-22

Genesi 6:5-22 SUB1949

Ɀino Jehova wakaʋona kuti kuipa kwaʋanhu kwakaŋga kuri kukuru panyika, nendaŋgariro dzokufuŋga kwemŋoyo yaʋo dzakaŋga dzakaipa ɓedzi ŋguʋa dzose. Jehova akaɀidemba pamsoro pokuita kwake ʋanhu panyika, akaʋa neshuŋgu pamŋoyo pake. Jehova akati: Ndicaparadza ʋanhu ʋandakasika ndiʋabvise panyika — ʋanhu, nemhuka, neɀinokambaira, neshiri dzeɗeŋga; nokuti ndinoɀiɗemba kuti ndakaɀiita. Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehova. Marudzi aNoa ndiwo: Noa wakaŋga ari munhu wakarurama, asinemhoȿa mumarudzi ake; Noa wakafamba naMŋari. Noa akaɓereka ʋanakomana ʋatatu, ʋaiti: Shemi, naHami, naJafeti. Nyika yakaŋga yakaʋora pamberi paMŋari, nyika yakaŋga izere nokumanikidzana. Mŋari akaʋona nyika kuti yakaʋora; nokuti ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaʋodza mufambiro waʋo panyika. Ipapo Mŋari wakati kunaNoa: Kupera kwaʋanhu ʋose kwaȿika pamberi paŋgu; nokuti ʋakazadza nyika nokumanikidzana; tarirai, ndicaʋaʋuraya pamŋe cete nenyika. Uɀiitire areka nomuti wegoferi; uite makamuri muareka, uinamire necomukati necokunze nenamo. Unofanira kuiita kuɗai: Kureɓa kweareka ŋgakuʋe makubiti anamazana matatu, nokufara kwayo makubiti makumi mashanu, nokukwirira kwayo makubiti makumi matatu. Usiye ɓuri paareka; uripedze kana kwasara kubiti rimŋe kubva kumsoro; nomukoʋa weareka uuise parutiʋi rwayo; uiite inedzimba nhatu, musara wokutaŋga, nowecipiri, nowecitatu. Tarira, ini ndinoʋuyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze ɀipenyu ɀose, ɀinomŋeya woʋupenyu, pasi peɗeŋga; ɀose ɀiri panyika ɀicafa. Asi ndicaita suŋgano yaŋgu newe; unofanira kupinda muareka, iwe naʋanakomana ʋako, nomukadzi wako, naʋakadzi ʋaʋanakomana ʋako pamŋe cete newe. Napaɀipenyu ɀose ɀenyama uise muareka ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀamarudzi ose, kuti ɀirarame pamŋe cete newe; ngaɀiʋe mukono nehadzi. Shiri namarudzi adzo, neɀipfuwo namarudzi aɀo, neɀinokambaira pasi ɀose namarudzi aɀo, ɀicaʋuya kwauri ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀamarudzi ose, kuti ɀiraramiswe. Iwe utore marudzi ose eɀokudya ɀose ɀinodyiwa, uɀiʋuŋganidzire kwauri; kuti ɀiʋe ɀokudya ɀako neɀaɀo. Noa akaita saiɀoɀo; seɀaakarairwa naMŋari, wakaita ɀose saiɀoɀo.

Verenga chikamu Genesi 6