Genesisi 41:37-57
Genesisi 41:37-57 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Urongwa uhu hwakaratidza kuva hwakanaka kuna Faro nokuvaranda vake vose. Saka Faro akavabvunza akati, “Tingawana here munhu akaita somurume uyu, munhu ane mweya waMwari maari?” Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Sezvo Mwari aita kuti izvi zvose zvizivikanwe newe, hakuna munhu anoziva uye akachenjera sewe. Iwe uchava mutariri womuzinda wangu, navanhu vangu vose, uye vanhu vangu vose vanofanira kuzviisa pasi pezvaunovarayira. Ndichava mukuru kwauri pachigaro choushe chete.” Saka Faro akati kuna Josefa, “Ndakugadza kuti uve mutariri wenyika yose yeIjipiti.” Ipapo Faro akabvisa mhete yake pamunwe wake akaiisa pamunwe waJosefa. Akamupfekedza nguo dzakaisvonaka uye akaisa uketani hwegoridhe pamutsipa wake. Akamuita kuti akwire pangoro yake ari wechipiri pakutungamirira, uye vanhu vakadanidzira pamberi pake vachiti, “Dziurai nzira!” Nokudaro akamuita mutariri weIjipiti yose. Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Ndini Faro, asi pasina shoko rawataura iwe hakuna munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake munyika yose yeIjipiti.” Faro akatumidza Josefa zita rokuti Zafenati-Panea uye akamupa Asenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni, kuti ave mukadzi wake. Uye Josefa akafamba munyika yose yeIjipiti. Josefa akanga ava namakore makumi matatu okuberekwa paakapinda pabasa raFaro mambo weIjipiti. Uye Josefa akabuda kubva pamberi paFaro akafamba munyika yose yeIjipiti. Panguva yamakore manomwe amaguta, nyika yakabereka zvizhinji kwazvo. Josefa akaunganidza zvokudya zvose zvakawanikwa mumakore manomwe aya amaguta muIjipiti akazviunganidza mumaguta. Muguta rimwe nerimwe akaisa zvokudya zvaibva muminda yakapoteredza. Josefa akaunganidza zviyo zvakawanda kwazvo, sejecha regungwa; zvakanga zvakawanda zvokuti haana kuzokwanisa kuzvinyora nokuti zvakanga zvisisagoni kuyerwa. Makore enzara asati asvika, Josefa akanga aberekerwa vanakomana vaviri naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni. Josefa akatumidza dangwe rake zita rokuti Manase akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndikanganwe kutambudzika kwangu kwose navose veimba yababa vangu.” Mwanakomana wake wechipiri akamutumidza zita rokuti Efuremu akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndive nezvibereko munyika yokutambudzika kwangu.” Makore manomwe amaguta muIjipiti akasvika pakupera, uye makore manomwe enzara akatanga, sezvazvakanga zvarehwa naJosefa. Kwakava nenzara mune dzimwe nyika dzose, asi munyika yose yeIjipiti maiva nezvokudya. Ijipiti yose payakatanga kunzwa nzara, vanhu vakatanga kuchemera zvokudya kuna Faro. Ipapo Faro akaudza vaIjipita vose akati, “Endai kuna Josefa muite zvaanokuudzai.” Nzara yakati yapararira munyika yose, Josefa akazarura matura akatengesa zviyo kuvaIjipita, nokuti nzara yakanga iri huru munyika yose yeIjipiti. Uye nyika dzose dzakauya kuzotenga zviyo kuIjipiti kubva kuna Josefa, nokuti nzara yakanga iri huru munyika dzose.

Genesisi 41:37-57 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Chinhu ichi chakanga chakanaka kuna Farao navaranda vake vose. Farao akati kuvaranda vake, “Ko tingawana mumwe munhu akafanana nouyu, anomweya waMwari maari here?” Farao akati kuna Josefa, “Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe; ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri.” Zvino Farao akati kuna Josefa, “Tarira, ndakuita mubati panyika yeIjipiti yose.” Farao akabvisa chimhete chake paruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJosefa, akamufukidza nguo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake; akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, “Pfugamai!” Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti. Farao akati kuna Josefa, “Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeIjipiti.” Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti. Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, mambo weIjipiti. Josefa akabuda pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeIjipiti. Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, namakore manomwe amaguta. Akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe, akanga aripo panyika yeIjipiti, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo. Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regungwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa. Zvino gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni. Josefa akatumidza wedangwe zita rinonzi Manase, achiti, “Nokuti Mwari akandikanganwisa kutambudzika kwangu kwose neimba yababa vangu yose.” Zita rowechipiri akaritumidza Efuremu, achiti, “Nokuti Mwari akandiberekesa vana panyika yokutambudzika kwangu.” Zvino makore manomwe amaguta, akanga avapo panyika yeIjipiti, akapera. Makore manomwe enzara akatanga kusvika, sezvakataura Josefa; nzara ikavapo panyika dzose; asi panyika yose yeIjipiti pakanga pane zvokudya. Zvino vanhu vose veIjipiti vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veIjipiti, “Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri.” Nzara ikavapo panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akatengesera vaIjipiti; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika yeIjipiti. Vanhu venyika dzose vakaenda Ijipiti kuna Josefa kuzotenga zviyo; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika dzose.
Genesisi 41:37-57 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Farao namakurukota ake ose vakafadzwa nezano raJosefi, vakaribvuma. Farao akataura namakurukota ake achiti, “Ndokupi kwatingawane munhu anokunda uyu Josefi ane mweya waMwari?” Farao akatiwo, kuna Josefi, “Mwari zvaadai kukuratidza izvozvo zvose, hapana munhu mumwe akangwara sewe angazive kunyatsoronga zvokuita. Ndiwe wava mutongi mukuru wezvapamuzinda wangu. Vanhu vangu vose vanosungirwa kuita sokutaura kwaunenge waita. Asi kana zvava zvoumambo ndipo poga pandiri mukuru kwauri.” Farao akataurirawo Josefi kuti, “Chionaka, ndakugadza kuti utonge nyika yose yeIjipiti.” Farao akabvisa mhete yake youmambo pamunwe wake akaipfekedza pamunwe waJosefi. Akamupfekedzawo hanzu dzerineni dzakanaka kwazvo nenyembe yecheni dzendarama muhuro make. Mambo akati Josefi akwire mungoro yechipiri youmambo. Mberi kwake kukagotungamidzwa vaidaidzira vachiti, “Gwadamai muchimuremekedza.” Ndiko kugadzwa kwakaitwa Josefi kuti atonge nyika yose yeIjipiti. Farao akatiwo kuna Josefi, “Ini ndini mambo munyika yose yeIjipiti. Hapana munhu achaita chinhu kunyange chipi zvacho asina kubvumirwa newe.” Farao akatumidza Josefi zita rokuti Zafenatipanea, akamupawo mukadzi ainzi Asinati, mwana waPotifera mupristi weguta reOni. Naizvozvo Josefi akabuda akafamba neIjipiti achiona. Josefi akanga ava namakore makumi matatu nguva yaakapiwa basa naFarao mambo weIjipiti. Ndopaakandeya nenyika yose yeIjipiti. Pamakore manomwe emaguta nyika yakabereka mbesa zhinji kwazvo. Josefi akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe amaguta munyika yeIjipiti achiunganidza zvokudya izvo. Muguta rimwe nerimwe aitutira mbesa dzaikohwiwa muminda yakapoteredza guta racho iroro. Saizvozvo Josefi akaunganidza mbesanwa zhinji kwazvo, dzakawanda sejecha regungwa kusvikira arega zvokuverenga mbesanwa dzacho nokuti dzakanga dzawandisa. Makore enzara asati asvika, Josefi akaita vana vakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati mwana waPotifera mupristi wokuOni. Josefi akatumidza mwana wake wedangwe zita rokuti Manase achiti, “Mwari andibatsira kukanganwa nhamo dzangu nemhuri yababa vangu yose.” Josefi akatumidza mwana wake wechipiri zita rokuti Efuremu, akati, “Mwari andipa vana ndiri munyika yenhamo yangu mandiri.” Makore manomwe emaguta muIjipiti akazopera. Makore manomwe enzara ndokubva atanga sezvakanga zvarehwa naJosefi. Panyika pose pakava nenzara asi muIjipiti yose maiva nezvokudya. Kuzoti nyika yose yeIjipiti yarumwawo nenzara vanhu vakachema kuna Farao vachichemera chokudya. Farao akataurira vaIjipiti vose achiti, “Endai kuna Josefi, muite zvaanokuudzai.” Pakanga zvino nzara yaruma panyika pose, Josefi akazozarura matura embesanwa akavamba kutengesera vaIjipiti vose zvokudya nokuti Ijipiti yakanga yaparara nenzara. Vanhu vedzimwe nyika dzose vakauya kuIjipiti kwaiva naJosefi kuzotenga zvokudya nokuti nzara yakanga yabaya pasi pose.
Genesisi 41:37-57 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cinhu ici cakaŋga cakanaka kunaFarao naʋaranda ʋake ʋose. Farao akati kuʋaranda ʋake: Ko tiŋgawana mumŋe munhu wakafanana noyuyu, unomŋeya waMŋari maari here? Farao akati kunaJosefa: Mŋari ɀaakakuratidza iɀoɀo ɀose, hapanomunhu wakaŋgwara, wakacenjera sewe; ndiwe ucaʋa muɓati weimba yaŋgu; ʋanhu ʋaŋgu ʋose ʋacarairwa neshoko rako; asi pacigaro caŋgu coʋushe ndi’po pandicaʋa mukuru kwauri. Ɀino Farao akati kunaJosefa: Tarira, ndakuita muɓati panyika yeEgipita yose. Farao akabvisa cimhete cake paruʋoko rwake, akaciisa paruʋoko rwaJosefa, akamufukidza ŋguʋo dzomuceka wakanakisa, akamushoŋgedza ciketani cendarama pamutsipa wake; akamufambisa neŋgoro yecipiri yaakaŋga anayo; ʋakaɗanidzira pamberi pake, ʋaciti: Fugamai! Akamuita muɓati wenyika yose yeEgipita. Farao akati kunaJosefa: Ndini Farao, asi kunze kwako hapanomunhu ucasimudza ruʋoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeEgipita. Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanati‐panea; akamupa Asenati, mukunda waPotifera, muprista weOni, aʋe mukadzi wake. Josefa akaɓuɗa, akafamba nenyika yose yeEgipita. Ɀino Josefa wakaŋga anamakore makumi matatu, ŋguʋa yaakamira pamberi paFarao, mambo weEgipita. Josefa akaɓuɗa pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeEgipita. Nyika ikaɓereka ɀizhinji‐zhinji namakore manomŋe amaguta. Akaʋuŋganidza ɀokudya ɀose ɀamakore manomŋe, akaŋga ari’po panyika yeEgipita, akaʋiga ɀokudya mumaguta; ɀokudya ɀeminda yakaŋga yakapoteredza guta rimŋe nerimŋe, wakaɀiʋiga’mo. Josefa akaʋiga ɀiyo, ɀikaita sejeca reguŋgwa, ɀizhinji‐zhinji, kuȿikira akarega kuɀiʋereŋga; nokuti ɀakaŋga ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa. Ɀino gore renzara risati raȿika, Josefa wakaɓerekerwa ʋanakomana ʋaʋiri, ʋaakaɓerekerwa naAsenati, mukunda waPotifera, muprista weOni. Josefa akatumidza weɗaŋgwe zita rinonzi Manase, aciti: Nokuti Mŋari wakandikaŋganwisa kutambudzika kwaŋgu kwose, neimba yaɓaɓa ʋaŋgu yose. Zita rowecipiri wakaritumidza Efraimi, aciti: Nokuti Mŋari wakandiɓerekesa ʋana panyika yokutambudzika kwaŋgu. Ɀino makore manomŋe amaguta, akaŋga aʋa’po panyika yeEgipita, akapera. Makore manomŋe enzara akataŋga kuȿika, seɀakataura Josefa; nzara ikaʋa’po panyika dzose; asi panyika yose yeEgipita pakaŋga paneɀokudya. Ɀino ʋanhu ʋose ʋeEgipita ʋofa nenzara, ʋakacemera ɀokudya kunaFarao; Farao akati kunaʋose ʋeEgipita: Endai kunaJosefa; itai ɀaanotaura kwamuri. Nzara ikaʋa’po panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akateŋgesera ʋaEgipita; nokuti nzara yakaŋga yakanyanya panyika yeEgipita. Ʋanhu ʋenyika dzose ʋakaenda Egipita kunaJosefa kuzoteŋga ɀiyo; nokuti nzara yakaŋga yakanyanya panyika dzose.
Genesisi 41:37-57 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)