Cinhu ici cakaŋga cakanaka kunaFarao naʋaranda ʋake ʋose. Farao akati kuʋaranda ʋake: Ko tiŋgawana mumŋe munhu wakafanana noyuyu, unomŋeya waMŋari maari here? Farao akati kunaJosefa: Mŋari ɀaakakuratidza iɀoɀo ɀose, hapanomunhu wakaŋgwara, wakacenjera sewe; ndiwe ucaʋa muɓati weimba yaŋgu; ʋanhu ʋaŋgu ʋose ʋacarairwa neshoko rako; asi pacigaro caŋgu coʋushe ndi’po pandicaʋa mukuru kwauri. Ɀino Farao akati kunaJosefa: Tarira, ndakuita muɓati panyika yeEgipita yose. Farao akabvisa cimhete cake paruʋoko rwake, akaciisa paruʋoko rwaJosefa, akamufukidza ŋguʋo dzomuceka wakanakisa, akamushoŋgedza ciketani cendarama pamutsipa wake; akamufambisa neŋgoro yecipiri yaakaŋga anayo; ʋakaɗanidzira pamberi pake, ʋaciti: Fugamai! Akamuita muɓati wenyika yose yeEgipita. Farao akati kunaJosefa: Ndini Farao, asi kunze kwako hapanomunhu ucasimudza ruʋoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeEgipita. Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanati‐panea; akamupa Asenati, mukunda waPotifera, muprista weOni, aʋe mukadzi wake. Josefa akaɓuɗa, akafamba nenyika yose yeEgipita. Ɀino Josefa wakaŋga anamakore makumi matatu, ŋguʋa yaakamira pamberi paFarao, mambo weEgipita. Josefa akaɓuɗa pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeEgipita. Nyika ikaɓereka ɀizhinji‐zhinji namakore manomŋe amaguta. Akaʋuŋganidza ɀokudya ɀose ɀamakore manomŋe, akaŋga ari’po panyika yeEgipita, akaʋiga ɀokudya mumaguta; ɀokudya ɀeminda yakaŋga yakapoteredza guta rimŋe nerimŋe, wakaɀiʋiga’mo. Josefa akaʋiga ɀiyo, ɀikaita sejeca reguŋgwa, ɀizhinji‐zhinji, kuȿikira akarega kuɀiʋereŋga; nokuti ɀakaŋga ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa. Ɀino gore renzara risati raȿika, Josefa wakaɓerekerwa ʋanakomana ʋaʋiri, ʋaakaɓerekerwa naAsenati, mukunda waPotifera, muprista weOni. Josefa akatumidza weɗaŋgwe zita rinonzi Manase, aciti: Nokuti Mŋari wakandikaŋganwisa kutambudzika kwaŋgu kwose, neimba yaɓaɓa ʋaŋgu yose. Zita rowecipiri wakaritumidza Efraimi, aciti: Nokuti Mŋari wakandiɓerekesa ʋana panyika yokutambudzika kwaŋgu. Ɀino makore manomŋe amaguta, akaŋga aʋa’po panyika yeEgipita, akapera. Makore manomŋe enzara akataŋga kuȿika, seɀakataura Josefa; nzara ikaʋa’po panyika dzose; asi panyika yose yeEgipita pakaŋga paneɀokudya. Ɀino ʋanhu ʋose ʋeEgipita ʋofa nenzara, ʋakacemera ɀokudya kunaFarao; Farao akati kunaʋose ʋeEgipita: Endai kunaJosefa; itai ɀaanotaura kwamuri. Nzara ikaʋa’po panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akateŋgesera ʋaEgipita; nokuti nzara yakaŋga yakanyanya panyika yeEgipita. Ʋanhu ʋenyika dzose ʋakaenda Egipita kunaJosefa kuzoteŋga ɀiyo; nokuti nzara yakaŋga yakanyanya panyika dzose.