Genesisi 41:37-44
Genesisi 41:37-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Urongwa uhu hwakaratidza kuva hwakanaka kuna Faro nokuvaranda vake vose. Saka Faro akavabvunza akati, “Tingawana here munhu akaita somurume uyu, munhu ane mweya waMwari maari?” Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Sezvo Mwari aita kuti izvi zvose zvizivikanwe newe, hakuna munhu anoziva uye akachenjera sewe. Iwe uchava mutariri womuzinda wangu, navanhu vangu vose, uye vanhu vangu vose vanofanira kuzviisa pasi pezvaunovarayira. Ndichava mukuru kwauri pachigaro choushe chete.” Saka Faro akati kuna Josefa, “Ndakugadza kuti uve mutariri wenyika yose yeIjipiti.” Ipapo Faro akabvisa mhete yake pamunwe wake akaiisa pamunwe waJosefa. Akamupfekedza nguo dzakaisvonaka uye akaisa uketani hwegoridhe pamutsipa wake. Akamuita kuti akwire pangoro yake ari wechipiri pakutungamirira, uye vanhu vakadanidzira pamberi pake vachiti, “Dziurai nzira!” Nokudaro akamuita mutariri weIjipiti yose. Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Ndini Faro, asi pasina shoko rawataura iwe hakuna munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake munyika yose yeIjipiti.”

Genesisi 41:37-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Chinhu ichi chakanga chakanaka kuna Farao navaranda vake vose. Farao akati kuvaranda vake, “Ko tingawana mumwe munhu akafanana nouyu, anomweya waMwari maari here?” Farao akati kuna Josefa, “Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe; ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri.” Zvino Farao akati kuna Josefa, “Tarira, ndakuita mubati panyika yeIjipiti yose.” Farao akabvisa chimhete chake paruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJosefa, akamufukidza nguo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake; akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, “Pfugamai!” Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti. Farao akati kuna Josefa, “Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeIjipiti.”
Genesisi 41:37-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Farao namakurukota ake ose vakafadzwa nezano raJosefi, vakaribvuma. Farao akataura namakurukota ake achiti, “Ndokupi kwatingawane munhu anokunda uyu Josefi ane mweya waMwari?” Farao akatiwo, kuna Josefi, “Mwari zvaadai kukuratidza izvozvo zvose, hapana munhu mumwe akangwara sewe angazive kunyatsoronga zvokuita. Ndiwe wava mutongi mukuru wezvapamuzinda wangu. Vanhu vangu vose vanosungirwa kuita sokutaura kwaunenge waita. Asi kana zvava zvoumambo ndipo poga pandiri mukuru kwauri.” Farao akataurirawo Josefi kuti, “Chionaka, ndakugadza kuti utonge nyika yose yeIjipiti.” Farao akabvisa mhete yake youmambo pamunwe wake akaipfekedza pamunwe waJosefi. Akamupfekedzawo hanzu dzerineni dzakanaka kwazvo nenyembe yecheni dzendarama muhuro make. Mambo akati Josefi akwire mungoro yechipiri youmambo. Mberi kwake kukagotungamidzwa vaidaidzira vachiti, “Gwadamai muchimuremekedza.” Ndiko kugadzwa kwakaitwa Josefi kuti atonge nyika yose yeIjipiti. Farao akatiwo kuna Josefi, “Ini ndini mambo munyika yose yeIjipiti. Hapana munhu achaita chinhu kunyange chipi zvacho asina kubvumirwa newe.”
Genesisi 41:37-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cinhu ici cakaŋga cakanaka kunaFarao naʋaranda ʋake ʋose. Farao akati kuʋaranda ʋake: Ko tiŋgawana mumŋe munhu wakafanana noyuyu, unomŋeya waMŋari maari here? Farao akati kunaJosefa: Mŋari ɀaakakuratidza iɀoɀo ɀose, hapanomunhu wakaŋgwara, wakacenjera sewe; ndiwe ucaʋa muɓati weimba yaŋgu; ʋanhu ʋaŋgu ʋose ʋacarairwa neshoko rako; asi pacigaro caŋgu coʋushe ndi’po pandicaʋa mukuru kwauri. Ɀino Farao akati kunaJosefa: Tarira, ndakuita muɓati panyika yeEgipita yose. Farao akabvisa cimhete cake paruʋoko rwake, akaciisa paruʋoko rwaJosefa, akamufukidza ŋguʋo dzomuceka wakanakisa, akamushoŋgedza ciketani cendarama pamutsipa wake; akamufambisa neŋgoro yecipiri yaakaŋga anayo; ʋakaɗanidzira pamberi pake, ʋaciti: Fugamai! Akamuita muɓati wenyika yose yeEgipita. Farao akati kunaJosefa: Ndini Farao, asi kunze kwako hapanomunhu ucasimudza ruʋoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeEgipita.
Genesisi 41:37-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)