Cinhu ici cakaŋga cakanaka kunaFarao naʋaranda ʋake ʋose. Farao akati kuʋaranda ʋake: Ko tiŋgawana mumŋe munhu wakafanana noyuyu, unomŋeya waMŋari maari here? Farao akati kunaJosefa: Mŋari ɀaakakuratidza iɀoɀo ɀose, hapanomunhu wakaŋgwara, wakacenjera sewe; ndiwe ucaʋa muɓati weimba yaŋgu; ʋanhu ʋaŋgu ʋose ʋacarairwa neshoko rako; asi pacigaro caŋgu coʋushe ndi’po pandicaʋa mukuru kwauri. Ɀino Farao akati kunaJosefa: Tarira, ndakuita muɓati panyika yeEgipita yose. Farao akabvisa cimhete cake paruʋoko rwake, akaciisa paruʋoko rwaJosefa, akamufukidza ŋguʋo dzomuceka wakanakisa, akamushoŋgedza ciketani cendarama pamutsipa wake; akamufambisa neŋgoro yecipiri yaakaŋga anayo; ʋakaɗanidzira pamberi pake, ʋaciti: Fugamai! Akamuita muɓati wenyika yose yeEgipita. Farao akati kunaJosefa: Ndini Farao, asi kunze kwako hapanomunhu ucasimudza ruʋoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeEgipita.
Verenga chikamu Genesi 41
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 41:37-44
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo