Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 41:14-32

Genesisi 41:14-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Saka Faro akatuma vanhu kuna Josefa, uye akakurumidza kubudiswa mugomba. Akati aveurwa musoro uye apfeka dzimwe nguo, akauya pamberi paFaro. Faro akati kuna Josefa, “Ndakarota hope, uye hakuna munhu akagona kudzidudzira. Asi ndanzwa zvarehwa nezvako kuti paunonzwa kurota uku, unogona kukududzira.” Josefa akapindura Faro akati, “Ini handigoni kuzviita, asi Mwari achapa Faro mhinduro yaanoda.” Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Mukurota kwangu, ndakanga ndimire pamahombekombe aNairi, ipapo ndikaona mhou nomwe dzichibuda murwizi, dzakakora uye dzakanaka, uye dzikafura pakati petsanga. Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe dzakabuda, dzine nzara uye dzakashata uye dzakaonda. Handisati ndamboona mhou dzakaipa kudai munyika yose yeIjipiti. Mhou dzakaonda uye dzakashata dzakadya mhou nomwe dziya dzakakora dzakanga dzatanga kuuya. Asi kunyange zvazvo dzakadzidya, hakuna munhu aigona kuona kuti dzakanga dzaita izvozvo; dzaingoratidzika kushata sezvadzakanga dzakaita kare. Ipapo ndakapepuka. “Mukurota kwangu, ndakaonawo hura nomwe dzezviyo, dzizere uye dzakanaka, dzichikura padzinde rimwe chete. Shure kwadzo dzimwe hura nomwe dzakamera, dzakasvava, dzakaonda uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva. Hura dziya dzakaonda dzakamedza dziya hura nomwe dzakanga dzakanaka. Ndakaudza nʼanga izvi, asi hakuna akagona kunditsanangurira.” Ipapo Josefa akati kuna Faro, “Kurota kwaFaro ndokumwe uye kwakafanana. Mwari akaratidza kuna Faro zvinhu zvaava kuda kuita. Mhou nomwe dzakanaka ndiwo makore manomwe, uye hura nomwe dzakanaka dzezviyo ndiwo makore manomwe amaguta; kurota uku kumwe chete uye kwakafanana. Mhou nomwe dzakaonda uye dzakashata dzakakwira pashure, ndiwo makore manomwe, ndizvowo nehura nomwe dzezviyo dzisingabatsiri dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva; ndiwo makore manomwe enzara. “Zvakangoita sezvandataura kuna Faro ndichiti: Mwari aratidza Faro zvaava kuda kuita. Makore manomwe amaguta makuru ari kuuya munyika yose yeIjipiti, asi makore manomwe enzara achaatevera. Ipapo maguta ose omuIjipiti achakanganwikwa, uye nzara ichaparadza nyika. Maguta omunyika haachazorangarirwi, nokuti nzara inoatevera ichava huru kwazvo. Kurota uku kwapiwa kuna Faro nenzira mbiri nokuti nyaya iyi yarongwa zvizere naMwari, uye Mwari achazviita nokukurumidza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 41

Genesisi 41:14-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Ipapo Farao akatuma munhu kundodaidza Josefi. Vakamukurumidzisa kubuda mujeri muya. Akaveura ndebvu dzake vakamupfekedza dzimwe hanzu, ndokuenda naye kuna Farao. Farao akataura kuna Josefi achiti, “Ndakarota hope, asi hakuna munhu agona kudzidudzira. Zvino ndanzwa nezvako zvichinzi kana munhu akakurondedzera hope dzake, iwe unogona kudzidudzira.” Josefi akapindura Farao achiti, “Kwete ini, changamire, asi Mwari ndiye angakupei dudziro chaiyo.” Farao ndokuti, “Ndakarota ndimire pamahombekombe aNairi, ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe dzakanaka, dzakakora dzichifura zvadzo mutsanga. Kwakazobudazve dzimwe mhou nomwe, dzakaondoroka, zvokusara dzava marangwanda chaiwo zvandisati ndamboona munyika yeIjipiti yose. Mhou dzakaondoroka dziye dzakadya mhou dzakakora dziya. Asi dzakasara dziya padzakadzidya hakuna aigona kuzviona kuti dzadya dzimwe nokuti dzakaramba dzakangoondoroka sapakutanga paya. Pakarepo ndakapepuka. Ndakarotazve ndichiona hura nomwe dzembesanwa dzaiva padzinde rimwechete dzine hura dzakasvika. Pakazobudawo dzimwe hura nomwe nhete dzisina kusvika dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva. Hura nhete dzakamedza hura nomwe dziya dzakanga dzakasvika. Ndakarondedzera kun'anga hope dzangu, asi hakuna kana imwechete yadzo yakagona kudzidudzira.” Ipapo Josefi akati kuna Farao, “Changamire, hope dzenyu dziri mbiri dziri kunanga chinhu chimwechete. Mwari akuratidzai imi Farao zvaava kuda kuita. Mhou nomwe dzakakora zvinoreva makore manomwe. Hura nomwe dzakasvika zvinorevawo makore manomwe. Hope dzacho dzinongova dzimwechetedzo. Mhou nomwe dziye dzakaondoroka dzakazogumisira kubuda nehura nomwe dzembesanwa dzakanga dzisina kusvika dziya, dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe emvemve yenzara huru. Ndizvo zvandambotaura wani kwamuri Farao, kuti Mwari akuratidzai zvaava kuda kuita. Kuri kuuya makore manomwe emaguta chaiwoiwo munyika yose yeIjipiti. Asi kuchazouyawo makore manomwe enzara huru zvokuti vanhu vachakanganwa makore ose emaguta nokuti nyika yose yeIjipiti ichaparara nenzara. Makore emaguta achakanganikwa nokuti nzara yacho ichanyanyisa kuipa. Chiroto chenyu chapamhidzwa ruviri nokuti Mwari ndizvo zvaatoronga. Iye Mwari achakurumidza kuzviita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 41

Genesisi 41:14-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ipapo Farao akatuma munhu kundodana Josefa, akakurumidza kumubudisa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguo; akapinda kuna Farao. Farao akati kuna Josefa, “Ndarota hope, asi hakuna munhu anogona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira.” Josefa akapindura Farao, akati, “Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare.” Farao akarondedzera kuna Josefa akati, “Pakurota kwangu ndakazviona ndimire pamhenderekedzo yorwizi; ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka; dzikafura pakati penhokwe; ndikaonazve dzimwe mhou nomwe dzichikwira shure kwadzo dzine nzara, dzakaipa kwazvo, dzakaonda, handina kumboona dzakaipa dzakadai panyika yose yeIjipiti. Zvino mhou idzodzo dzakaonda, dzakaipa, dzikadya, mhou dziya dzakakora dzokutanga; dzakati dzadzidya, hadzina kutongozikanwa kuti dzadzidya; asi dzakanga dzakangoipa sapakutanga. Zvino ndikapepuka. Ndikaonazve pakurota kwangu hura nomwe dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzizere, dzakanaka; ndikaonazve dzimwe hura nomwe, dzakaoma, dzakatetepa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo. Hura idzodzo dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakanaka; ndikaudza n'anga, asi kwakanga kusina munhu akagona kundidudzira izvozvo.” Ipapo Josefa akati kuna Farao, “Kurota kwaFarao ndokumwe; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakazivisa Farao. Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dzakanaka makore manomwewo; kurota ndokumwe. Mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzodzo, makore manomwe, nehura nomwe dzakaputa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe enzara. Ndiro shoko randataura kuna Farao; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakaratidza Farao. Tarirai, kunouya makore manomwe amaguta kwazvo panyika yose yeIjipiti; shure kwaiwayo kuchatevera makore manomwe enzara; ipapo maguta ose achakanganikwa panyika yeIjipiti; nzara ichapedza nyika; maguta haangazozikanwi munyika nokuda kwenzara iyoyo inozotevera, nokuti ichanyanya kwazvo. Kurota uku kwakapamhidzwa kuna Farao kaviri, nokuti izvozvo zvakatarwa naMwari, uye Mwari achakurumidza kuzviita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 41

Genesisi 41:14-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ipapo Farao akatuma munhu kundodaidza Josefi. Vakamukurumidzisa kubuda mujeri muya. Akaveura ndebvu dzake vakamupfekedza dzimwe hanzu, ndokuenda naye kuna Farao. Farao akataura kuna Josefi achiti, “Ndakarota hope, asi hakuna munhu agona kudzidudzira. Zvino ndanzwa nezvako zvichinzi kana munhu akakurondedzera hope dzake, iwe unogona kudzidudzira.” Josefi akapindura Farao achiti, “Kwete ini, changamire, asi Mwari ndiye angakupei dudziro chaiyo.” Farao ndokuti, “Ndakarota ndimire pamahombekombe aNairi, ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe dzakanaka, dzakakora dzichifura zvadzo mutsanga. Kwakazobudazve dzimwe mhou nomwe, dzakaondoroka, zvokusara dzava marangwanda chaiwo zvandisati ndamboona munyika yeIjipiti yose. Mhou dzakaondoroka dziye dzakadya mhou dzakakora dziya. Asi dzakasara dziya padzakadzidya hakuna aigona kuzviona kuti dzadya dzimwe nokuti dzakaramba dzakangoondoroka sapakutanga paya. Pakarepo ndakapepuka. Ndakarotazve ndichiona hura nomwe dzembesanwa dzaiva padzinde rimwechete dzine hura dzakasvika. Pakazobudawo dzimwe hura nomwe nhete dzisina kusvika dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva. Hura nhete dzakamedza hura nomwe dziya dzakanga dzakasvika. Ndakarondedzera kun'anga hope dzangu, asi hakuna kana imwechete yadzo yakagona kudzidudzira.” Ipapo Josefi akati kuna Farao, “Changamire, hope dzenyu dziri mbiri dziri kunanga chinhu chimwechete. Mwari akuratidzai imi Farao zvaava kuda kuita. Mhou nomwe dzakakora zvinoreva makore manomwe. Hura nomwe dzakasvika zvinorevawo makore manomwe. Hope dzacho dzinongova dzimwechetedzo. Mhou nomwe dziye dzakaondoroka dzakazogumisira kubuda nehura nomwe dzembesanwa dzakanga dzisina kusvika dziya, dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe emvemve yenzara huru. Ndizvo zvandambotaura wani kwamuri Farao, kuti Mwari akuratidzai zvaava kuda kuita. Kuri kuuya makore manomwe emaguta chaiwoiwo munyika yose yeIjipiti. Asi kuchazouyawo makore manomwe enzara huru zvokuti vanhu vachakanganwa makore ose emaguta nokuti nyika yose yeIjipiti ichaparara nenzara. Makore emaguta achakanganikwa nokuti nzara yacho ichanyanyisa kuipa. Chiroto chenyu chapamhidzwa ruviri nokuti Mwari ndizvo zvaatoronga. Iye Mwari achakurumidza kuzviita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 41

Genesisi 41:14-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo Farao akatuma munhu kundoɗana Josefa, ʋakakurumidza kumuɓuɗisa mugomba; ʋakaʋeʋura ndebvu dzake nokumufukidza dzimŋe ŋguʋo; akapinda kunaFarao. Farao akati kunaJosefa: Ndarota hope, asi hakunomunhu unogona kundiɗudzira idzo; ɀino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuɀiɗudzira. Josefa akapindura Farao, akati: Kwete, handizi’ni; Mŋari ndiye uŋgapa Farao ɗudziro yorugare. Farao akarondedzera kunaJosefa, akati: Pakurota kwaŋgu ndakaɀiʋona ndimire pamhenderekedzo yorwizi; ndikaʋona murwizi muciɓuɗa mhou nomŋe, dzakaŋga dzakakora, dzakanaka; dzikafura pakati penhokwe; ndikaʋona ɀe dzimŋe mhou nomŋe dzicikwira shure kwadzo dzinenzara, dzakaipa kwaɀo, dzakawonda, handina‐kumboʋona dzakaipa dzakaɗai panyika yose yeEgipita. Ɀino mhou idzo dzakawonda, dzakaipa, dzikadya mhou dziya dzakakora dzokutaŋga; dzakat dzadzidya, hadzina‐kutoŋgozikanwa kuti dzadzidya; asi dzakaŋga dzakaŋgoipa sapakutaŋga. Ɀino ndikapepuka. Ndikaʋona ɀe pakurota kwaŋgu hura nomŋe dzakaŋga dzatumbuka padzinde rimŋe, dzizere, dzakanaka; ndikaʋona ɀe dzimŋe hura nomŋe, dzakawoma, dzakatetepa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuʋa, dziciɓuɗa shure kwadzo. Hura idzo dzakatetepa dzikamedza hura nomŋe dzakanaka; ndikaʋudza ŋaŋga, asi kwakaŋga kusinomunhu wakagona kundiɗudzira iɀoɀo. Ipapo Josefa akati kunaFarao: Kurota kwaFarao ndokumŋe; iɀo Mŋari ɀaanoɗa kuita, ndiɀo ɀaakaziʋisa Farao. Mhou nomŋe dzakanaka makore manomŋe, nehura nomŋe dzakanaka makore manomŋe ʋo; kurota ndokumŋe. Mhou nomŋe dzakawonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzedzo, makore manomŋe, nehura nomŋe dzakaputa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuʋa, acaʋa makore manomŋe enzara. Ndiro shoko randataura kunaFarao; iɀo Mŋari ɀaanoɗa kuita, ndiɀo ɀaakaratidza Farao. Tarirai, kunoʋuya makore manomŋe amaguta kwaɀo panyika yose yeEgipita; shure kwaiwayo kucateʋera makore manomŋe enzara; ipapo maguta ose acakaŋganikwa panyika yeEgipita; nzara icapedza nyika; maguta haaŋgazozikanwi munyika nokuɗa kwenzara iyo inozoteʋera, nokuti icanyanya kwaɀo. Kurota uku kwakapamhidzwa kunaFarao kaʋiri, nokuti iɀoɀo ɀakatarwa naMŋari, ʋuye Mŋari ucakurumidza kuɀiita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 41