Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 41:14-32

Mavambo 41:14-32 SCLBD

Ipapo Farao akatuma munhu kundodaidza Josefi. Vakamukurumidzisa kubuda mujeri muya. Akaveura ndebvu dzake vakamupfekedza dzimwe hanzu, ndokuenda naye kuna Farao. Farao akataura kuna Josefi achiti, “Ndakarota hope, asi hakuna munhu agona kudzidudzira. Zvino ndanzwa nezvako zvichinzi kana munhu akakurondedzera hope dzake, iwe unogona kudzidudzira.” Josefi akapindura Farao achiti, “Kwete ini, changamire, asi Mwari ndiye angakupei dudziro chaiyo.” Farao ndokuti, “Ndakarota ndimire pamahombekombe aNairi, ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe dzakanaka, dzakakora dzichifura zvadzo mutsanga. Kwakazobudazve dzimwe mhou nomwe, dzakaondoroka, zvokusara dzava marangwanda chaiwo zvandisati ndamboona munyika yeIjipiti yose. Mhou dzakaondoroka dziye dzakadya mhou dzakakora dziya. Asi dzakasara dziya padzakadzidya hakuna aigona kuzviona kuti dzadya dzimwe nokuti dzakaramba dzakangoondoroka sapakutanga paya. Pakarepo ndakapepuka. Ndakarotazve ndichiona hura nomwe dzembesanwa dzaiva padzinde rimwechete dzine hura dzakasvika. Pakazobudawo dzimwe hura nomwe nhete dzisina kusvika dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva. Hura nhete dzakamedza hura nomwe dziya dzakanga dzakasvika. Ndakarondedzera kun'anga hope dzangu, asi hakuna kana imwechete yadzo yakagona kudzidudzira.” Ipapo Josefi akati kuna Farao, “Changamire, hope dzenyu dziri mbiri dziri kunanga chinhu chimwechete. Mwari akuratidzai imi Farao zvaava kuda kuita. Mhou nomwe dzakakora zvinoreva makore manomwe. Hura nomwe dzakasvika zvinorevawo makore manomwe. Hope dzacho dzinongova dzimwechetedzo. Mhou nomwe dziye dzakaondoroka dzakazogumisira kubuda nehura nomwe dzembesanwa dzakanga dzisina kusvika dziya, dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe emvemve yenzara huru. Ndizvo zvandambotaura wani kwamuri Farao, kuti Mwari akuratidzai zvaava kuda kuita. Kuri kuuya makore manomwe emaguta chaiwoiwo munyika yose yeIjipiti. Asi kuchazouyawo makore manomwe enzara huru zvokuti vanhu vachakanganwa makore ose emaguta nokuti nyika yose yeIjipiti ichaparara nenzara. Makore emaguta achakanganikwa nokuti nzara yacho ichanyanyisa kuipa. Chiroto chenyu chapamhidzwa ruviri nokuti Mwari ndizvo zvaatoronga. Iye Mwari achakurumidza kuzviita.

Verenga chikamu Mavambo 41