Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 29:1-14

Genesisi 29:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jakobho akapfuurira mberi norwendo rwake akasvika kunyika yavanhu vokumabvazuva. Ikoko akaona tsime musango, namapoka matatu amakwai avete pedyo naro nokuti makwai ainwiswa patsime iroro. Ibwe rakanga riri pamuromo wetsime rakanga riri guru. Mapoka ose aiti aungana ipapo, vafudzi vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime vachinwisa makwai avo. Ipapo vaizodzorera ibwe panzvimbo yaro, ipo pamuromo wetsime. Jakobho akabvunza vafudzi akati, “Mabvepiko, hama dzangu?” Ivo vakapindura vakati, “Tabva kuHarani.” Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, muzukuru waNahori here?” Vakapindura vakati, “Hongu, tinomuziva.” Ipapo Jakobho akavabvunza akati, “Anofara here?” Ivo vakati, “Hongu, anofara uye hoyo mwanasikana wake Rakeri ari kuuya namakwai.” Iye akati, “Tarirai, achiri masikati haisati yava nguva yokuti makwai aunganidzwe. Nwisai makwai mugoadzosera kumafuro.” Vakapindura vakati, “Hatigoni kudaro kusvikira mapoka ose aunganidzwa uye ibwe rakungurutswa kubva pamuromo wetsime. Ipapo ndipo patinozonwisa makwai.” Paakanga achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti akanga ari mufudzikadzi. Jakobho akati achiona Rakeri mwanasikana waRabhani, hanzvadzi yamai vake, uye namakwai aRabhani, akaendapo akandokungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime ndokubva anwisa makwai asekuru vake. Ipapo Jakobho akatsvoda Rakeri akachema zvikuru. Uye akaudza Rakeri kuti iye akanga ari hama yababa vake uye ari mwanakomana waRabheka. Saka Rakeri akamhanya akandoudza baba vake. Rabhani akati angoudzwa mashoko pamusoro paJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akakurumidza kundosangana naye. Akamumbundikira, akamutsvoda akamuuyisa kumba kwake, uye ipapo Jakobho akamuudza zvose izvi. Ipapo akati kwaari, “Iwe uri nyama yangu neropa rangu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 29

Genesisi 29:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jakobho akasimukapo, akaenda kunyika yavanhu vamabvazuva. Akatarira, akaona tsime kusango, namapoka matatu amakwai avete pasi pariri; nokuti vainwisa mapoka avo patsime iroro; pamuromo wetsime iroro pakanga paine ibwe guru. Ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe pamuromo wetsime, vakanwisa makwai avo, vachidzoserazve ibwe pamuromo wetsime paugaro hwaro. Jakobho akati kwavari, “Hama dzangu, mabvepiko?” Ivo vakati, “Tabva Harani.” Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, mwanakomana waNahori, here?” Vakati, “Tinomuziva.” Akati kwavari, “Wakafara here?” Ivo vakati, “Wakafara hake; hoyo Rakeri mukunda wake, wouya namakwai.” Akati, “Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugondoafudza.” Ivo vakati, “Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.” Akati achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti ndiye aiva mufudzi wawo. Zvino Jakobho akati achiona Rakeri, mukunda waRabhani, hanzvadzi yamai vake, Jakobho akaswedera, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake. Jakobho akatsvoda Rakeri, akachema kwazvo. Jakobho akaudza Rakeri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka. Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake. Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose. Rabhani akati kwaari, “Zvirokwazvo uri pfupa rangu renyama yangu.” Akagara naye mwedzi wose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 29

Genesisi 29:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jakobho akabvapo osumudzira rwendo rwake rwokuenda kunyika yavanhu vokumabvazuva. Akatarisa akaona tsime musango ndiye onei matanga matatu ehwai dzakanga dzirerepo zvadzo, ndopavainwisa zvipfuwo zvavo mvura. Pamuromo wetsime racho pakanga pane ibwe guru kwazvo. Vafudzi vaiti kana zvipfuwo zvavapo zvose, vaikungurutsa ibwe riya pamuromo wetsime, vopa hwai dzavo mvura yokunwa, vozodzosera ibwe riya pakare pamuromo wetsime. Jakobho akabvunza vafudzi kuti, “Ko, munobva kupiko nhai hama dzangu?” Vakati, “Tinobva kuHarani.” Jakobho ndokuti, “Ko munozivawo here Rabhani mwana wokwaNahori?” Ivo vakati, “Tinomuziva.” Akati kwavari, “Akadii zvake?” Ivo vakati, “Aripo zvake! Mwanasikana wake, Rakeri ndiye uyo ari kuuya nehwai uyo!” Jakobho akati, “Ko zvaachiri masikati wani! Inga nguva yokukokorodza nokuunganidza zvipfuwo haisati yakwana! Ko madii kupa hwai mvura maenda nadzo kumbondodzifudzazve?” Vafudzi vakati, “Hatingadzipe mvura kunze kwokunge mamwe matanga ose aungana, ibwe rapamuromo wetsime rakungurutswa. Ndopatinopa hwai dzedu mvura yokunwa.” Achingunotaura kudaro navarume vaye, Rakeri akasvika nehwai dzababa vake nokuti ndiye aiva mufudzi wadzo. Jakobho akati achiona Rakeri mwana waRabhani, hanzvadzi yaamai vake, nehwai dzaRabhani sekuru vake, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, ndokupa hwai dzasekuru vake mvura yokunwa. Jakobho akatsvoda Rakeri achikwazisana naye, akaburitsa misodzi yokufara. Akataurira Rakeri kuti, “Ini ndiri muzukuru wababa wako. Ndiri mwana waRibheka.” Rakeri ndokubva amhanyira kundoudza baba vake. Rabhani paakanzwa nezvaJakobho mwana wehanzvadzi yake akamhanyira kundomuchingura, akasvikomumbundira, akamutsvoda ndokuenda naye kumba kwake. Jakobho akarondedzera Rabhani zvinhu izvozvi zvose. Rabhani ndokuti, “Iwe uri hama yangu chaiyo! Tiri veropa rimwe chete!” Jakobho akagara nasekuru wake mwedzi wose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 29

Genesisi 29:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jakobo akasimuka’po, akaenda kunyika yaʋanhu ʋamabvazuʋa. Akatarira, akaʋona tsime kusaŋgo, namapoka matatu amakwai aʋete pasi pariri; nokuti ʋainwisa mapoka aʋo patsime irero; pamuromo wetsime irero pakaŋga panebge guru. Ndipapo paiʋuŋgana mapoka ose; ɀino ʋaikuŋgurusa ibge pamuromo wetsime, ʋakanwisa makwai aʋo, ʋacidzosera ɀe ibge pamuromo wetsime paʋugaro bgaro; Jakobo akati kwaʋari: Hama dzaŋgu, mabvepiko — Iʋo ʋakati: Tabva Harani. Iye akati kwaʋari: Munoziʋa Rabani, mŋanakomana waNahori, here — Ʋakati: Tinomuziʋa. Akati kwaʋari: Wakafara here — Iʋo ʋakati: Wakafara hake; hoyo Rakeri mukunda wake, woʋuya namakwai. Akati: Tarirai, aciri masikati makuru, ŋguʋa yokuʋuŋganidza ɀipfuwo icigere kuȿika; nwisai makwai, mugondoafudza. Iʋo ʋakati: Hatiŋgagoni kuȿikira mapoka ose aʋuŋganidzwa pamŋe cete, ibge rikakuŋguruswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai. Wakati acataura naʋo, Rakeri akaȿika namakwai aɓaɓa ʋake, nokuti ndiye waiʋa mufudzi wawo. Ɀino Jakobo wakati aciʋona Rakeri, mukunda waRabani, hanɀadzi yamai ʋake, Jakobo akasweɗera, akakuŋgurusa ibge pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabani, hanɀadzi yamai ʋake. Jakobo akaȿeta Rakeri, akacema kwaɀo. Jakobo akaʋudza Rakeri kuti iye ihama yaɓaɓa ʋake, mŋanakomana waRebeka ipapo iye akamhanya, akandoʋudza ɓaɓa ʋake. Rabani wakati anzwa mashoko aJakobo, mŋanakomana wehanɀadzi yake, akamhanya kundosoŋgana naye, akamumbundikira, akamuȿeta, akamuisa kumba kwake. Iye akaʋudza Rabani ɀinhu iɀo ɀose. Rabani akati kwaari: Ɀirokwaɀo uri fupa raŋgu nenyama yaŋgu. Akagara naye mŋedzi wose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 29

Genesisi 29:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)