Jakobo akasimuka’po, akaenda kunyika yaʋanhu ʋamabvazuʋa. Akatarira, akaʋona tsime kusaŋgo, namapoka matatu amakwai aʋete pasi pariri; nokuti ʋainwisa mapoka aʋo patsime irero; pamuromo wetsime irero pakaŋga panebge guru. Ndipapo paiʋuŋgana mapoka ose; ɀino ʋaikuŋgurusa ibge pamuromo wetsime, ʋakanwisa makwai aʋo, ʋacidzosera ɀe ibge pamuromo wetsime paʋugaro bgaro; Jakobo akati kwaʋari: Hama dzaŋgu, mabvepiko — Iʋo ʋakati: Tabva Harani. Iye akati kwaʋari: Munoziʋa Rabani, mŋanakomana waNahori, here — Ʋakati: Tinomuziʋa. Akati kwaʋari: Wakafara here — Iʋo ʋakati: Wakafara hake; hoyo Rakeri mukunda wake, woʋuya namakwai. Akati: Tarirai, aciri masikati makuru, ŋguʋa yokuʋuŋganidza ɀipfuwo icigere kuȿika; nwisai makwai, mugondoafudza. Iʋo ʋakati: Hatiŋgagoni kuȿikira mapoka ose aʋuŋganidzwa pamŋe cete, ibge rikakuŋguruswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai. Wakati acataura naʋo, Rakeri akaȿika namakwai aɓaɓa ʋake, nokuti ndiye waiʋa mufudzi wawo. Ɀino Jakobo wakati aciʋona Rakeri, mukunda waRabani, hanɀadzi yamai ʋake, Jakobo akasweɗera, akakuŋgurusa ibge pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabani, hanɀadzi yamai ʋake. Jakobo akaȿeta Rakeri, akacema kwaɀo. Jakobo akaʋudza Rakeri kuti iye ihama yaɓaɓa ʋake, mŋanakomana waRebeka ipapo iye akamhanya, akandoʋudza ɓaɓa ʋake. Rabani wakati anzwa mashoko aJakobo, mŋanakomana wehanɀadzi yake, akamhanya kundosoŋgana naye, akamumbundikira, akamuȿeta, akamuisa kumba kwake. Iye akaʋudza Rabani ɀinhu iɀo ɀose. Rabani akati kwaari: Ɀirokwaɀo uri fupa raŋgu nenyama yaŋgu. Akagara naye mŋedzi wose.