Jakobho akabvapo osumudzira rwendo rwake rwokuenda kunyika yavanhu vokumabvazuva. Akatarisa akaona tsime musango ndiye onei matanga matatu ehwai dzakanga dzirerepo zvadzo, ndopavainwisa zvipfuwo zvavo mvura. Pamuromo wetsime racho pakanga pane ibwe guru kwazvo. Vafudzi vaiti kana zvipfuwo zvavapo zvose, vaikungurutsa ibwe riya pamuromo wetsime, vopa hwai dzavo mvura yokunwa, vozodzosera ibwe riya pakare pamuromo wetsime.
Jakobho akabvunza vafudzi kuti, “Ko, munobva kupiko nhai hama dzangu?” Vakati, “Tinobva kuHarani.”
Jakobho ndokuti, “Ko munozivawo here Rabhani mwana wokwaNahori?” Ivo vakati, “Tinomuziva.”
Akati kwavari, “Akadii zvake?” Ivo vakati, “Aripo zvake! Mwanasikana wake, Rakeri ndiye uyo ari kuuya nehwai uyo!”
Jakobho akati, “Ko zvaachiri masikati wani! Inga nguva yokukokorodza nokuunganidza zvipfuwo haisati yakwana! Ko madii kupa hwai mvura maenda nadzo kumbondodzifudzazve?”
Vafudzi vakati, “Hatingadzipe mvura kunze kwokunge mamwe matanga ose aungana, ibwe rapamuromo wetsime rakungurutswa. Ndopatinopa hwai dzedu mvura yokunwa.”
Achingunotaura kudaro navarume vaye, Rakeri akasvika nehwai dzababa vake nokuti ndiye aiva mufudzi wadzo. Jakobho akati achiona Rakeri mwana waRabhani, hanzvadzi yaamai vake, nehwai dzaRabhani sekuru vake, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, ndokupa hwai dzasekuru vake mvura yokunwa. Jakobho akatsvoda Rakeri achikwazisana naye, akaburitsa misodzi yokufara. Akataurira Rakeri kuti, “Ini ndiri muzukuru wababa wako. Ndiri mwana waRibheka.” Rakeri ndokubva amhanyira kundoudza baba vake.
Rabhani paakanzwa nezvaJakobho mwana wehanzvadzi yake akamhanyira kundomuchingura, akasvikomumbundira, akamutsvoda ndokuenda naye kumba kwake. Jakobho akarondedzera Rabhani zvinhu izvozvi zvose. Rabhani ndokuti, “Iwe uri hama yangu chaiyo! Tiri veropa rimwe chete!” Jakobho akagara nasekuru wake mwedzi wose.