Jakobho akasimukapo, akaenda kunyika yavanhu vamabvazuva. Akatarira, akaona tsime kusango, namapoka matatu amakwai avete pasi pariri; nokuti vainwisa mapoka avo patsime iroro; pamuromo wetsime iroro pakanga paine ibwe guru. Ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe pamuromo wetsime, vakanwisa makwai avo, vachidzoserazve ibwe pamuromo wetsime paugaro hwaro.
Jakobho akati kwavari, “Hama dzangu, mabvepiko?” Ivo vakati, “Tabva Harani.”
Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, mwanakomana waNahori, here?” Vakati, “Tinomuziva.”
Akati kwavari, “Wakafara here?” Ivo vakati, “Wakafara hake; hoyo Rakeri mukunda wake, wouya namakwai.”
Akati, “Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugondoafudza.”
Ivo vakati, “Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.”
Akati achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti ndiye aiva mufudzi wawo. Zvino Jakobho akati achiona Rakeri, mukunda waRabhani, hanzvadzi yamai vake, Jakobho akaswedera, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake. Jakobho akatsvoda Rakeri, akachema kwazvo. Jakobho akaudza Rakeri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka.
Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake. Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose. Rabhani akati kwaari, “Zvirokwazvo uri pfupa rangu renyama yangu.” Akagara naye mwedzi wose.