Genesisi 28:13-15
Genesisi 28:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamusoro pawo ipapo pakanga pamire Jehovha, uye akati, “Ndini Jehovha, Mwari wababa vako Abhurahama naMwari waIsaka. Ndichakupa iwe nezvizvarwa zvako nyika yauvete pairi. Zvizvarwa zvako zvichaita seguruva renyika, uye muchapararira kubva kumavirira kusvikira kumabvazuva, kumusoro nezasi. Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako. Ndinewe uye ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, uye ndichakudzosazve munyika ino. Handingakusiyi kusvikira ndaita zvandakavimbisa.”
Genesisi 28:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akaona Jehovha amire naye, akati, “Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako; vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, nokumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako. Tarira, ndinewe, ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza.”
Genesisi 28:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akaonawo Tenzi amire kumusoro kwamanera acho achiti, “Ndini Tenzi, Mwari waAbhurahamu vasekuru vako naMwari waIsaki. Nyika iyoyi yaurere, ndichaipa kwauri navana vako. Vana vako vachawanda seguruva renyika, muchatekeshera kumadokero nokumabvazuva nokuchamhembe nokumaodzanyemba. Pamusana pako iwe navana vako, mhuri dzapasi pose dzichawaniswa makomborero. Chinzwa, ndichava newe ndichikuchengeta kwose kwaunenge uri. Ndichakudzosera kunyika ino nokuti handizombosiyana newe kusvikira ndaita zvandakuudza izvi.”
Genesisi 28:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaʋona Jehova amire naye, akati: Ndini Jehova, Mŋari waAbrahama ɓaɓa ʋako, naMŋari waIsaka; nyika yauʋete pamsoro payo ndicakupa iyo, iwe naʋana ʋako; ʋana ʋako ʋacaita seguruʋa renyika; ucapararira kumaʋirazuʋa, nokumabvazuʋa, nokumsoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa mauri nomuʋana ʋako. Tarira, ndinewe, ndicakuceŋgeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handiŋgakusiyi kuȿikira ndaita iɀoɀo ɀandakakuʋudza.
Genesisi 28:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)