Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 28

28
1Isaki akadaidza Jakobho akamukomborera ndokumuyambira achiti, “Usaroore mukadzi wechiKanani. 2Sumuka uende kuMesopotamia kumusha kwaBhetueri, baba vaamai vako undotsvaka musikana mumhuri yaRabhani, hanzvadzi yaamai vako uroore. 3Iye Aripagomo ngaakukomborere akupe vana vazhinji, vawande zvokuti vave madzinza namadzinza avanhu. 4Ngaakupe chikomborero chaAbhurahamu, iwe nezvizvarwa zvako chokuti uve muridzi wenyika ino yatiri kumboti apa garei tame apa garei yakapiwa Abhurahamu naMwari!” 5Naizvozvo Isaki akaendesa Jakobho kuMesopotamia kuhanzvadzi yaRibheka, amai vaJakobho naEsau, kwaRabhani mwanakomana waBhetueri muAramu.
6Esau akazvinzwa kuti Isaki akakomborera Jakobho, akamuendesa kuMesopotamia kundoroora mukadzi ikoko. Akanzwawo kuti paakamukomborera akamuti, “Usaroore mukadzi wechiKanani.” 7Akazvizivawo kuti Jakobho akanga ateerera baba naamai vake akaenda kuMesopotamia. 8Ipapo Esau akazviziva kuti baba vake Isaki havadi vakadzi vechiKanani, 9akabva aenda kuna Ishimaeri mwanakomana waAbhurahamu, akandoroora Maharati mwana waIshimaeri, hanzvadzi yaNebhayoti achiwedzera pavakadzi vaakanga anavo.
Chiroto chaJakobho paBhetieri
10Jakobho akapinda murwendo rwake rwokuenda kuHarani achibva kuBheerishebha. 11Akadokerwa nezuva ave pane imwe nzvimbo akararapo. Ava kurara akatora rimwe ibwe repo akariita mutsago ndokukotsira zvake. 12Akarota achiona manera akanga akamiswa panyika achisvika kudenga, vatumwa vaMwari vachiashandisa kukwira kudenga nokuburuka pasi. 13Akaonawo Tenzi amire kumusoro kwamanera acho achiti, “Ndini Tenzi, Mwari waAbhurahamu vasekuru vako naMwari waIsaki. Nyika iyoyi yaurere, ndichaipa kwauri navana vako. 14Vana vako vachawanda seguruva renyika, muchatekeshera kumadokero nokumabvazuva nokuchamhembe nokumaodzanyemba. Pamusana pako iwe navana vako, mhuri dzapasi pose dzichawaniswa makomborero. 15Chinzwa, ndichava newe ndichikuchengeta kwose kwaunenge uri. Ndichakudzosera kunyika ino nokuti handizombosiyana newe kusvikira ndaita zvandakuudza izvi.”
16Jakobho akapepuka muhope akati, “Zvechokwadi Tenzi ari panzvimbo ino asi ini ndanga ndisingazvizivi.” 17Akabva atya ndokuti, “Inga nzvimbo ino inoera! Imba yaMwari chete, iwoyu ndomusuo wedenga.”
18Jakobho akafumomuka, akatora ibwe raakanga akatsamira ndokurimisa kuti rive ibwe rechiyeuchidzo, ndokubva adira mafuta pamusoro paro. 19Akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Bhetieri,#28:19 Bhetieri: MuchiHebheru izita rinoreva kuti Imba yaMwari. asi kare guta iroro raimbonzi Ruzi. 20Jakobho ndokupika nemhiko achiti, “Kana Mwari akava neni akandichengeta parwendo rwangu rwandiri kuenda achindipa chokudya nechokupfeka, 21ndichizodzokerazve kumusha kwababa vangu zvakanaka, Tenzi achava Mwari wangu. 22Paibwe iri randamisa pano kuti rive ibwe rechiyeuchidzo pachava imba yaMwari. Pazvinhu zvose zvamuchandipa ndichabvisa chegumi chazvo ndichikupai.”

Zvasarudzwa nguva ino

Mavambo 28: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda