Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 26:17-35

Genesisi 26:17-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Saka Isaka akabvapo akandodzika musasa muMupata weGera akagara ikoko. Isaka akacherazve matsime akanga acherwa panguva yababa vake Abhurahama, iwo akanga adzivirwa navaFiristia shure kwokufa kwaAbhurahama, uye akaapa mazita mamwe chetewo aakanga atumidzwa nababa vake. Varanda vaIsaka vakachera muMupata vakawanamo tsime remvura yakanaka. Asi vafudzi veGerari vakakakavadzana navafudzi vaIsaka vachiti, “Mvura iyi ndeyedu!” Saka akatumidza tsime iro zita rokuti Eseki, nokuda kwokuti vakapesana naye. Ipapo vakacherazve rimwe tsime, asi vakakakavadzana pamusoro parowo; saka akaritumidza zita rokuti Sitima. Akaenderera mberi kubva ipapo akachera rimwe tsime, uye hapana munhu akazokakavadzana naye pamusoro paro. Akaritumidza zita rokuti Rehobhoti, achiti, “Zvino Jehovha azotipa nzvimbo uye tichawanda munyika.” Kubva ipapo akaenda kuBheerishebha. Usiku ihwohwo Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari wababa vako Abhurahama. Usatya, nokuti ndinewe. Ndichakuropafadza uye ndichakurisa zvizvarwa zvako nokuda kwomuranda wangu Abhurahama.” Isaka akavaka aritari ipapo akadana kuzita raJehovha. Akadzika tende rake ipapo uye pakare ipapo varanda vake vakachera tsime. Zvichakadaro, Abhimereki akanga asvika kwaari achibva kuGerari, aina Ahuzati aiva mupamazano wake naPikori mukuru wavarwi vake. Isaka akavabvunza akati, “Mavingeiko kwandiri, sezvo makanga muri mhandu dzangu uye mukandidzinga?” Vakamupindura vakati, “Takaona pachena kuti Jehovha akanga anewe; saka takati, ‘Panofanira kuva nechitenderano chemhiko pakati pedu,’ pakati pedu newe. Ngatiite sungano newe yokuti iwe hauzotiitiri zvakaipa, sezvo isu tisina kukubata zvakaipa asi takaramba tichikuitira zvakanaka uye tikakuendesa norugare. Uye zvino waropafadzwa naJehovha.” Ipapo Isaka akavaitira mutambo, vakadya, vakanwa. Mangwanani akatevera varume ava vakapikirana. Ipapo Isaka akavaendesa parwendo rwavo, vakamusiya murugare. Musi iwoyo varanda vaIsaka vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera. Vakati, “Tawana mvura!” Akaritumidza zita rokuti Shibha, uye kusvikira nhasi zita reguta richiri kunzi Bheerishebha. Esau akati ava namakore makumi mana okuberekwa, akawana Judhisi mwanasikana waBheeri muHiti, uyewo Bhasemati mwanasikana waEroni muHiti. Ivava vakarwadzisa Isaka naRabheka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 26

Genesisi 26:17-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Isaka akabvapo, akandodzika matende ake mumupata weGerari, akagarapo. Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake. Varanda vaIsaka vakachera mumupata, vakawanapo tsime remvura inotubuka. Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, “Imvura yedu;” akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye. Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairorozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina. Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, “Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino.” Akabvapo, akakwira Bheerishebha; Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo, akati, “Ndini Mwari waAbhurahamu, baba vako; usatya, nokuti ndinewe, ndichakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuda kwaAbhurahamu, muranda wangu.” Akavakapo atari, akanamata zita raJehovha, akadzika tende rake ipapo; varanda vaIsaka vakacherapo tsime. Ipapo Abhimereki akaenda kwaari, achibva Gerari, aine shamwari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake. Isaka akati kwavari, “Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzinga kwamuri?” Ivo vakati, “Takaona kwazvo kuti Jehovha anewe, tikati, ‘Zvino mhiko ngaivepo pakati pedu, pakati pedu newe, tiite sungano newe; kuti urege kutiitira zvakaipa, sezvatisina kukubata iwe, sezvatakakuitira zvakanaka bedzi, tikakuendesa norugare;’ zvino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehovha.” Iye akavagadzirira zvokudya, vakadya, vakanwa, vakamuka mangwanani, vakapikirana; ipapo Isaka akavatendera kuenda, vakabva kwaari norugare. Nomusi iwoyo varanda vaIsaka vakauya, vakamuudza kuti vakanga vachera tsime, vakati kwaari, “Mvura taiwana.” Akaritumidza zita rinonzi Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvikira zuva ranhasi. Zvino Esau wakati asvika makore makumi mana, akawana Judhisi, mukunda waBheeri, muHeti, naBhasimati, mukunda waEroni, muHeti; ivavo vakarwadza mwoyo waIsaka naRabheka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 26

Genesisi 26:17-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Naizvozvo Isaki akatamapo akandodzika matendhe ake mubani reGerari, akamboita musha wake ipapo. Isaki akafukunura matsime emvura akanga acherwa pamazuva ababa wake Abhurahamu, nokuti Abhurahamu paakafa vaFirisitia vakabva vaafushira. Akaatumidzazve mazita aakanga akatumidzwa nababa wake. Varanda vaIsaki vakati vachichera mubani umu, vakawanawo tsime remvura yechitubu. Vafudzi vomuGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaki vachiti, “Mvura iyi ndeyedu.” Saka Isaki akatumidza tsime irori zita rokuti, “Nharo,” nokuti vakanga vaitirana nharo navo. Varanda vaIsaki vakacherazve rimwe tsime. Vakaitirana nharo zvakare navafudzi vomuGerari pamusoro paro, Isaki akaritumidza zita rokuti, “Ruvengo.” Isaki akazobvapo akandocherazve rimwe tsime. Ipapo havana kuzomboitirana nharo. Akabva aritumidza zita rokuti, “Ziendanakuenda,” vachiti, “Zvino Tenzi atipa nzvimbo huru kuti tigova vazhinji munyika ino.” Zvino Isaki akabvapo akatamira kuBheerishebha. Tenzi akazviratidza kwaari usiku ihwohwo akati, “Ndini Mwari waAbhurahamu baba vako. Usatye zvako nokuti ndinewe. Ndichakukomborera ndichiita kuti vana vako vawande kwazvo pamusana paAbhurahamu muranda wangu.” Isaki akavaka atari ipapo akanamata Tenzi ndokubva adzika tendhe yake ipapo. Varanda vake vakacherapo tsime. Ipapo Abhimereki nejinda rake Ahuzati naPikori mukuru wehondo yake vakabva Gerari vakaenda kuna Isaki. Isaki akavati, “Mavingeiko kuno? Handiti munondivenga imi. Inga makandidzinga wani kwenyu!” Ivo ndokuti, “Tanyatsoona kuti Tenzi anewe. Saka tanga tafunga kuti dai paitwa chibvumirano pakati pedu newe, tiite chitenderano chokuti ugorega kutiitira zvakaipa. Sezvatakaita isu, hatina chatakakutadzira asi takakuitira zvakanaka tikazotiwo uende zvako zvakanaka. Nhasi iwe wava nechikomborero chaTenzi.” Isaki akavaitira mabiko vakadya vakanwa. Vakafumomuka vakaita chibvumirano. Isaki akavaperekedza ndokuenda zvavo norugare. Nomusi iwoyo varanda vaIsaki vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera. Vakati, “Tabata mvura.” Isaki akatumidza tsime iri zita rokuti, “Mhiko.” Naizvozvo zita reguta iroro rinonzi Bheerishebha kusvikira pari nhasi. Esau paakanga ava namakore makumi mana, akaroora vakadzi vechiHiti kwaiti Judhisi mwana waBheeri naBhasimati mwana waEroni. Vakadzi vacho vaifurusa Isaki naRibheka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 26

Genesisi 26:17-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Isaka akabva’po, akandodzika matente ake mumupata weGerari, akagara’po. Isaka akacera ɀe matsime emvura, akaŋga acerwa pamazuʋa aɓaɓa ʋake, Abrahama; nokuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaadziʋira Abrahama afa; akaatumidza mazita aakaŋga atumidzwa naɓaɓa ʋake. Ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera mumupata, ʋakawana’po tsime remvura inotuɓuka. Ʋafudzi ʋeGerari ʋakaitirana nharo naʋafudzi ʋaIsaka, ʋaciti: Imvura yeɗu; akatumidza tsime iro zita rinonzi Eseki; nokuti ʋakapesana naye. Ɀino wakandocera ɀe rimŋe tsime; ʋakaitirana nharo pamsoro pairero ɀe; akaritumidza zita rinonzi Sitna. Akabva’po, akandocera ɀe rimŋe tsime; irero haʋana‐kuzoitirana nharo pamsoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehoboti; akati: Nokuti ɀino Jehova wakandiitira nɀimbo huru, kuti tiwande munyika ino. Akabva’po, akakwira Beeri‐sheba; Jehova akaɀiratidza kwaari ʋusiku ibgobgo, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, ɓaɓa ʋako; usatya, nokuti ndinewe, ndicakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuɗa kwaAbrahama, muranda waŋgu. Akaʋaka’po artari, akanamata zita raJehova, akadzika tente rake ipapo; ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera’po tsime. Ipapo Abimereki akaenda kwaari, acibva Gerari, aneshamŋari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake. Isaka akati kwaʋari: Maʋuyireiko kwandiri, ɀamunondiʋeŋga, mukandidziŋga kwamuri? Iʋo ʋakati: Takaʋona kwaɀo kuti Jehova unewe, tikati: Ɀino mhiko ŋgaiʋe’po pakati peɗu, pakati peɗu newe, tiite suŋgano newe; kuti urege kutiitira ɀakaipa, seɀatisina‐kukuɓata iwe, seɀatakakuitira ɀakanaka ɓedzi, tikakuendisa norugare; ɀino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehova. Iye akaʋagadzirira ɀokudya, ʋakadya, ʋakanwa, ʋakamuka maŋgwanani, ʋakapikirana; ipapo Isaka akaʋatendera kuenda, ʋakabva kwaari norugare. Nomusi iwoyo ʋaranda ʋaIsaka ʋakaʋuya, ʋakamuʋudza kuti ʋakaŋga ʋacera tsime, ʋakati kwaari: Mvura taiwana. Akaritumidza zita rinonzi Shiba; naiɀoɀo zita reguta ndiBeeri‐sheba kuȿikira zuʋa ranhasi. Ɀino Esau wakati aȿika makore makumi manna, akawana Juditi, mukunda waBeeri, muHeti, naBasemati, mukunda waEroni, muHeti; iʋaʋo ʋakarwadza mŋoyo waIsaka naRebeka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 26

Genesisi 26:17-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)