Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 26:17-35

Genesi 26:17-35 SNA2002

Isaka akabvapo, akandodzika matende ake mumupata weGerari, akagarapo. Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake. Varanda vaIsaka vakachera mumupata, vakawanapo tsime remvura inotubuka. Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, “Imvura yedu;” akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye. Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairorozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina. Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, “Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino.” Akabvapo, akakwira Bheerishebha; Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo, akati, “Ndini Mwari waAbhurahamu, baba vako; usatya, nokuti ndinewe, ndichakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuda kwaAbhurahamu, muranda wangu.” Akavakapo atari, akanamata zita raJehovha, akadzika tende rake ipapo; varanda vaIsaka vakacherapo tsime. Ipapo Abhimereki akaenda kwaari, achibva Gerari, aine shamwari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake. Isaka akati kwavari, “Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzinga kwamuri?” Ivo vakati, “Takaona kwazvo kuti Jehovha anewe, tikati, ‘Zvino mhiko ngaivepo pakati pedu, pakati pedu newe, tiite sungano newe; kuti urege kutiitira zvakaipa, sezvatisina kukubata iwe, sezvatakakuitira zvakanaka bedzi, tikakuendesa norugare;’ zvino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehovha.” Iye akavagadzirira zvokudya, vakadya, vakanwa, vakamuka mangwanani, vakapikirana; ipapo Isaka akavatendera kuenda, vakabva kwaari norugare. Nomusi iwoyo varanda vaIsaka vakauya, vakamuudza kuti vakanga vachera tsime, vakati kwaari, “Mvura taiwana.” Akaritumidza zita rinonzi Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvikira zuva ranhasi. Zvino Esau wakati asvika makore makumi mana, akawana Judhisi, mukunda waBheeri, muHeti, naBhasimati, mukunda waEroni, muHeti; ivavo vakarwadza mwoyo waIsaka naRabheka.

Verenga chikamu Genesi 26