Isaka akabva’po, akandodzika matente ake mumupata weGerari, akagara’po. Isaka akacera ɀe matsime emvura, akaŋga acerwa pamazuʋa aɓaɓa ʋake, Abrahama; nokuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaadziʋira Abrahama afa; akaatumidza mazita aakaŋga atumidzwa naɓaɓa ʋake. Ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera mumupata, ʋakawana’po tsime remvura inotuɓuka. Ʋafudzi ʋeGerari ʋakaitirana nharo naʋafudzi ʋaIsaka, ʋaciti: Imvura yeɗu; akatumidza tsime iro zita rinonzi Eseki; nokuti ʋakapesana naye. Ɀino wakandocera ɀe rimŋe tsime; ʋakaitirana nharo pamsoro pairero ɀe; akaritumidza zita rinonzi Sitna. Akabva’po, akandocera ɀe rimŋe tsime; irero haʋana‐kuzoitirana nharo pamsoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehoboti; akati: Nokuti ɀino Jehova wakandiitira nɀimbo huru, kuti tiwande munyika ino. Akabva’po, akakwira Beeri‐sheba; Jehova akaɀiratidza kwaari ʋusiku ibgobgo, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, ɓaɓa ʋako; usatya, nokuti ndinewe, ndicakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuɗa kwaAbrahama, muranda waŋgu. Akaʋaka’po artari, akanamata zita raJehova, akadzika tente rake ipapo; ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera’po tsime. Ipapo Abimereki akaenda kwaari, acibva Gerari, aneshamŋari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake. Isaka akati kwaʋari: Maʋuyireiko kwandiri, ɀamunondiʋeŋga, mukandidziŋga kwamuri? Iʋo ʋakati: Takaʋona kwaɀo kuti Jehova unewe, tikati: Ɀino mhiko ŋgaiʋe’po pakati peɗu, pakati peɗu newe, tiite suŋgano newe; kuti urege kutiitira ɀakaipa, seɀatisina‐kukuɓata iwe, seɀatakakuitira ɀakanaka ɓedzi, tikakuendisa norugare; ɀino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehova. Iye akaʋagadzirira ɀokudya, ʋakadya, ʋakanwa, ʋakamuka maŋgwanani, ʋakapikirana; ipapo Isaka akaʋatendera kuenda, ʋakabva kwaari norugare. Nomusi iwoyo ʋaranda ʋaIsaka ʋakaʋuya, ʋakamuʋudza kuti ʋakaŋga ʋacera tsime, ʋakati kwaari: Mvura taiwana. Akaritumidza zita rinonzi Shiba; naiɀoɀo zita reguta ndiBeeri‐sheba kuȿikira zuʋa ranhasi.
Ɀino Esau wakati aȿika makore makumi manna, akawana Juditi, mukunda waBeeri, muHeti, naBasemati, mukunda waEroni, muHeti; iʋaʋo ʋakarwadza mŋoyo waIsaka naRebeka.