VaGaratia 3:7-9
VaGaratia 3:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nzwisisai zvino, kuti avo vanotenda ndivo vana vaAbhurahama. Rugwaro rwakaona zviri mberi kuti Mwari aizoruramisa veDzimwe Ndudzi nokutenda, uye rukazivisa zvevhangeri kare kuna Abhurahama kuti, “Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza newe.” Saka avo vanokutenda ndivo vakaropafadzwa pamwe chete naAbhurahama, murume wokutenda.
VaGaratia 3:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo zivai kuti vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu. NoRugwaro, zvarwakaziva zviri mberi, kuti Mwari acharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Vhangeri kare kuna Abhurahamu, ruchiti, “Mauri marudzi ose acharopafadzwa.” Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwechete naAbhurahamu, akatenda.
VaGaratia 3:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo munozvionawo kuti vanhu vechitendero ndivo vana vaAbhurahamu. Magwaro Matsvene paakaona kuti Mwari anoruramisa marudzi nechitendero akafanoparidza Abhurahamu Shoko Rakanaka achiti, “Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.” Saizvozvo vanhu vechitendero vanokomborerwa pamwechete naAbhurahamu aiva nechitendero.
VaGaratia 3:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ziʋai kuti ʋokutenda ndiʋo ʋana ʋaAbrahama. NoRugwaro, ɀarwakaziʋa ɀiri mberi, kuti Mŋari ucaruramisa ʋahedeni nokutenda, rwakaparidza Evaŋgeri kare kunaAbrahama, ruciti: Mauri marudzi ose acaropafadzwa. Naiɀoɀo ʋokutenda ʋanoropafadzwa pamŋe cete naAbrahama, wakatenda.
VaGaratia 3:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)