VaGaratia 3:27-29
VaGaratia 3:27-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makapfeka Kristu. Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu. Kana muri vaKristu, ipapo muri vana vaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechipikirwa.
VaGaratia 3:27-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu. Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina akasungwa kana akasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu. Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.
VaGaratia 3:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mose imi makaombekwa muna Kristu, makatopfeka Kristu. Hapachisina muJudha kana muGiriki, hapachisina muranda kana musununguki, hapachisina murume kana mukadzi nokuti mose mava chinhu chimwechete muna Kristu Jesu. Zvino kana muri vanhu vaKristu mava chizvarwa chaAbhurahamu vagari venhaka maererano nechitsidzo.
VaGaratia 3:27-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti ʋose pakati penyu, ʋakabapatidzwa munaKristu, makafuka Kristu. Hakucina‐muJuda kana muGiriki, hakucina‐wakasuŋgwa kana wakasunuŋguka, hakucina‐munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri ʋamŋe munaKristu Jesu. Ɀino kana muri ʋaKristu, muri ʋana ʋaAbrahama, ʋadyi ʋenhaka seɀamakapikirwa.
VaGaratia 3:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)