VaGaratia 3:15-22
VaGaratia 3:15-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hama dzangu, regai ndipe muenzaniso woupenyu hwamazuva ose. Sezvo pasina munhu angakonesa kana kuwedzera kusungano yakaitwa navanhu kana yakatosimbiswa, zvakadarowo pane izvozvi. Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abhurahama uye nokumwana wake. Rugwaro harutauri ruchiti “uye kuvana,” zvichireva vanhu vazhinji, asi “uye kumwana wako,” kureva munhu mumwe, anova ndiye Kristu. Zvandinoreva ndezvizvi: Murayiro, wakaziviswa mushure mamakore mazana mana ana makumi matatu, haungakonesi sungano yakasimbiswa kare naMwari uye nokudaro uchibvisa chipikirwa. Nokuti kana nhaka ichiwanikwa nokuda kwomurayiro, naizvozvo haichawanikwi nokuda kwechipikirwa; asi Mwari nenyasha dzake akaipa kuna Abhurahama kubudikidza nechipikirwa. Zvino, chinangwa chomurayiro chakanga chiri cheiko? Wakawedzerwa nokuda kwokudarika kusvikira Mwana akanga achirehwa nechivimbiso asvika. Murayiro wakashanda kubudikidza navatumwa uye nomurevereri. Kunyange zvakadaro hazvo, murevereri, haamiririri munhu mumwe chete; asi Mwari ndomumwe. Naizvozvo, murayiro unopikisana nechipikirwa chaMwari here? Kwete napaduku! Nokuti kana murayiro wakapiwa wakanga uchigona kupa upenyu, ipapo zvirokwazvo kururama kwaizouyawo nomurayiro. Asi Rugwaro runotaura kuti nyika yose yakapfigirwa nechivi, kuitira kuti chiya chakavimbiswa, chiri chakapiwa kubudikidza nokutenda kuna Jesu Kristu, chipiwe kuna avo vanotenda.
VaGaratia 3:15-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyange iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi. Zvino, izvo zvipikirwa zvakarehwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti, “Kuvana vako,” savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti, “Kumwana wako;” uyu ndiye Kristu. Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti, Sungano yakasimbiswa kare naMwari haitorerwi simba rayo nomurayiro wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuura, kuti chipikirwa chikoneswe. Nokuti kana nhaka ichibva kumurayiro, haichabvi kuchipikirwa; asi Mwari akaipa Abhurahamu nokupikira. Naizvozvo murayiro chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana akapikirwa izvozvo achizouya; iwo wakarayirwa navatumwa noruoko rwomurevereri. Zvino murevereri haazi womumwechete; asi Mwari ndomumwe. Naizvozvo asi murayiro unorwisa zvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murayiro waigona kuraramisa, zvirokwazvo kururamiswa kwaibva kumurayiro. Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda muna Jesu Kristu chipiwe vanotenda.
VaGaratia 3:15-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama, houno muenzaniso wezvinongowanika muvanhu, hakuna munhu anopfudza chibvumirano chomunhu kana angawedzera pachiri kana chanyoreranwa pasi. Zvino zvitsidzo izvi zvakaitwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Chibvumirano ichocho hachisi kuti, “Kuvana vake” chichireva vana vazhinji asi kuti chinotaura nezvomumwechete chichiti, “NokuMwana wako,” zvichireva Kristu. Izvi ndizvo zvandinoreva, kuti mutemo wakazouya mushure memakore mazana mana anamakumi matatu haudzimi chitenderano chakambonyoreranwa naMwari zvinoita kuti chitenderano ichocho chishaye basa. Chandinodariro ndechokuti, kana nhaka iyoyo iri yokutevedza zvomumutemo haichisiri yechitsidzo. Asi Mwari akapa kuna Abhurahamu zviri zvechitsidzo. Ko mutemo ndowei? Wakapamhidzirwa pamusana pokukanganisa uchinzi uvepo kusvikira mwana uya akanga aitirwa chitsidzo ichocho auya. Mutemo iwoyo wakaziviswa nokuvatumwa uye pakanga paino munhu aiva munyai. Pano mumwechete asingadi munyai, Mwari chete. Ko zvinoreva kuti mutemo unorwisana nezvitsidzo zvaMwari here? Hazvisizvo kwete. Dai kuri kuti pane mutemo wakatemwa unogona kupa upenyu, pakadaro ururami hungadai huchitounzwa nomutemo. Magwaro Matsvene anoti zvinhu zvose zviri pasi pechitadzo kuti zvinhu zvakatsidzirwa nokuda kwechitendero muna Jesu Kristu zvipiwe kuna vanotenda.
VaGaratia 3:15-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hama dzaŋgu, ndinoreʋa nokureʋa kwaʋanhu, ndiciti: Kunyaŋge iri suŋgano yaʋanhu hayo, kana yasimbiswa, hakunomunhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi. Ɀino, iɀo ɀipikirwa ɀakarebga kunaAbrahama nokumŋana wake. Haareʋi, aciti: Kuʋana ʋako, saʋaneŋge ʋari ʋazhinji; asi saaneŋge ari mumŋe, unoti: Kumŋana wako; uyu ndiye Kristu. Ɀino ndinoreʋa cinhu ici, ndiciti: Suŋgano yakasimbiswa kare naMŋari haitorerwi simba rayo nomurairo wakazoteʋera makore mazana manna namakumi matatu apfuʋura, kuti cipikirwa cikoneswe. Nokuti kana nhaka icibva kumurairo, haicabvi kucipikirwa; asi Mŋari wakaipa Abrahama nokupikira. Naiɀoɀo murairo cinyiko? Wakazowedzerwa nokuɗa kweɀiʋi, kuȿikira mŋana wakapikirwa iɀoɀo acizoʋuya; iwo wakarairwa naʋatumŋa noruʋoko rwomureʋereri. Ɀino mureʋereri haazi womumŋe cete; asi Mŋari ndomumŋe. Naiɀoɀo asimurairo unorwisa ɀipikirwa ɀaMŋari here? Haiȿa! Nokuti ɗai ʋakaŋga ʋapiwa murairo waigona kuraramisa, ɀirokwaɀo kururamiswa kwaibva kumurairo. Asi Rugwaro rwakapfigira ɀose pasi peɀiʋi, kuti cipikirwa cinobva pakutenda munaJesu Kristu cipiwe ʋanotenda.
VaGaratia 3:15-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)