VaGaratia 3:1-5
VaGaratia 3:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo. Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa? Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here? Makatambudzika zvakadai pasina here, kana zvechokwadi zvakanga zviri pasina? Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa?
VaGaratia 3:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi vaGaratiya vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa? Ichochi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here? Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo! Naizvozvo uyo anokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, anozviita izvo namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda?
VaGaratia 3:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi vaGaratia mava kupenga here imi? Asi makaroiwa? Inga wani makanyatsotsanangurirwa pachena nezvokurovererwa pamuchinjikwa kwaJesu. Ndingade kumbokubvunzai izvi chete zvokuti iyemi makagamuchira Mweya pamusana pezvisungo zvomitemo here kana kuti nokudavira zvamakanzwa? Kuzungairai kwakadai? Vanhu vakatangisa muMweya, ndimi mavakupedzesera munyama here? Kutambudzika kose uku makatambudzikira pasina here? Kana kunganzi chaizvoizvowo kutambudzikira pasina, ko iye anokupai Mweya Mutsvene achiita zvishamiso pakati penyu, anozviita pamusana pezvisungo zvomutemo here kana kuti nokunzwa nechitendero?
VaGaratia 3:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi ʋaGaratia ʋokusafuŋga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pacena pamberi pameso enyu akaroʋerwa pamucinjikwa? Iceci ɓedzi ndinoɗa kunzwa kwamuri: Makapiwa Mŋeya namaɓasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri ʋokusafuŋga ʋakaɗaro seiko? Makataŋga muMŋeya, ko ɀino mopedzisa munyama here? Makatambudzika ɀikuru mukaɗai pasina here? Kana ɀaiʋa pasina haɀo! Naiɀoɀo uyo unokupai Mŋeya, nokuita maɓasa esimba pakati penyu, unoɀiita iɀo namaɓasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?
VaGaratia 3:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)