Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 3:1-26

VaGaratia 3:1-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo. Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa? Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here? Makatambudzika zvakadai pasina here, kana zvechokwadi zvakanga zviri pasina? Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa? Fungai Abhurahama kuti, “Akatenda Mwari, uye zvikanzi kwaari ndiko kururama.” Nzwisisai zvino, kuti avo vanotenda ndivo vana vaAbhurahama. Rugwaro rwakaona zviri mberi kuti Mwari aizoruramisa veDzimwe Ndudzi nokutenda, uye rukazivisa zvevhangeri kare kuna Abhurahama kuti, “Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza newe.” Saka avo vanokutenda ndivo vakaropafadzwa pamwe chete naAbhurahama, murume wokutenda. Vose vanovimba nokuchengeta murayiro vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro.” Zviri pachena kuti hapana munhu anoruramisirwa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.” Murayiro hauna kuvakwa pakutenda; asi hazvo, “Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.” Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.” Akatidzikinura kuitira kuti kuropafadzwa kwakapiwa Abhurahama kugosvika kune veDzimwe Ndudzi kubudikidza naKristu Jesu, kuitira kuti nokutenda tigogamuchira chipikirwa choMweya. Hama dzangu, regai ndipe muenzaniso woupenyu hwamazuva ose. Sezvo pasina munhu angakonesa kana kuwedzera kusungano yakaitwa navanhu kana yakatosimbiswa, zvakadarowo pane izvozvi. Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abhurahama uye nokumwana wake. Rugwaro harutauri ruchiti “uye kuvana,” zvichireva vanhu vazhinji, asi “uye kumwana wako,” kureva munhu mumwe, anova ndiye Kristu. Zvandinoreva ndezvizvi: Murayiro, wakaziviswa mushure mamakore mazana mana ana makumi matatu, haungakonesi sungano yakasimbiswa kare naMwari uye nokudaro uchibvisa chipikirwa. Nokuti kana nhaka ichiwanikwa nokuda kwomurayiro, naizvozvo haichawanikwi nokuda kwechipikirwa; asi Mwari nenyasha dzake akaipa kuna Abhurahama kubudikidza nechipikirwa. Zvino, chinangwa chomurayiro chakanga chiri cheiko? Wakawedzerwa nokuda kwokudarika kusvikira Mwana akanga achirehwa nechivimbiso asvika. Murayiro wakashanda kubudikidza navatumwa uye nomurevereri. Kunyange zvakadaro hazvo, murevereri, haamiririri munhu mumwe chete; asi Mwari ndomumwe. Naizvozvo, murayiro unopikisana nechipikirwa chaMwari here? Kwete napaduku! Nokuti kana murayiro wakapiwa wakanga uchigona kupa upenyu, ipapo zvirokwazvo kururama kwaizouyawo nomurayiro. Asi Rugwaro runotaura kuti nyika yose yakapfigirwa nechivi, kuitira kuti chiya chakavimbiswa, chiri chakapiwa kubudikidza nokutenda kuna Jesu Kristu, chipiwe kuna avo vanotenda. Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa. Saka murayiro wakaiswa kuti utitungamirire kuna Kristu kuitira kuti tigoruramisirwa nokutenda. Zvino kutenda zvakwasvika, hatichisiri pasi pomurayiro. Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 3

VaGaratia 3:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Imi vaGaratiya vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa? Ichochi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here? Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo! Naizvozvo uyo anokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, anozviita izvo namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda? Abhurahamu sezvaakatenda kuna Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama. Naizvozvo zivai kuti vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu. NoRugwaro, zvarwakaziva zviri mberi, kuti Mwari acharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Vhangeri kare kuna Abhurahamu, ruchiti, “Mauri marudzi ose acharopafadzwa.” Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwechete naAbhurahamu, akatenda. Nokuti vose vari vamabasa omurayiro, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubhuku yomurayiro, kuti vazviite.” Zvino, zvinoonekwa kuti hakuna munhu anoruramiswa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Akarurama achararama nokutenda.” Zvino murayiro haubvi pakutenda; asi uyo akaita zvinhu izvozvi achararama nazvo. Kristu akatidzikinura pakutuka kwomurayiro, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!” Kuti kuropafadzwa kwaAbhurahamu kusvike kuvahedheni muna Jesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya. Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyange iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi. Zvino, izvo zvipikirwa zvakarehwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti, “Kuvana vako,” savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti, “Kumwana wako;” uyu ndiye Kristu. Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti, Sungano yakasimbiswa kare naMwari haitorerwi simba rayo nomurayiro wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuura, kuti chipikirwa chikoneswe. Nokuti kana nhaka ichibva kumurayiro, haichabvi kuchipikirwa; asi Mwari akaipa Abhurahamu nokupikira. Naizvozvo murayiro chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana akapikirwa izvozvo achizouya; iwo wakarayirwa navatumwa noruoko rwomurevereri. Zvino murevereri haazi womumwechete; asi Mwari ndomumwe. Naizvozvo asi murayiro unorwisa zvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murayiro waigona kuraramisa, zvirokwazvo kururamiswa kwaibva kumurayiro. Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda muna Jesu Kristu chipiwe vanotenda. Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurayiro, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa. Saizvozvo murayiro wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tiruramiswe nokutenda. Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi. Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda muna Kristu Jesu

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 3

VaGaratia 3:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Imi vaGaratia mava kupenga here imi? Asi makaroiwa? Inga wani makanyatsotsanangurirwa pachena nezvokurovererwa pamuchinjikwa kwaJesu. Ndingade kumbokubvunzai izvi chete zvokuti iyemi makagamuchira Mweya pamusana pezvisungo zvomitemo here kana kuti nokudavira zvamakanzwa? Kuzungairai kwakadai? Vanhu vakatangisa muMweya, ndimi mavakupedzesera munyama here? Kutambudzika kose uku makatambudzikira pasina here? Kana kunganzi chaizvoizvowo kutambudzikira pasina, ko iye anokupai Mweya Mutsvene achiita zvishamiso pakati penyu, anozviita pamusana pezvisungo zvomutemo here kana kuti nokunzwa nechitendero? Abhurahamu akatenda muna Mwari zvikamupa kunzi akarurama. Naizvozvo munozvionawo kuti vanhu vechitendero ndivo vana vaAbhurahamu. Magwaro Matsvene paakaona kuti Mwari anoruramisa marudzi nechitendero akafanoparidza Abhurahamu Shoko Rakanaka achiti, “Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.” Saizvozvo vanhu vechitendero vanokomborerwa pamwechete naAbhurahamu aiva nechitendero. Zviripo ndezvokuti vose vanovimba nezvisungo zvomutemo, vakarengererwa rushambwa nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Ngaawirwe norushambwa munhu wose asingarambe achichengeta zvose zvakanyorwa mubhuku romutemo achizviita.” Zvino zviri pachena kuti hapana munhu anoruramiswa nomutemo pamberi paMwari nokuti munhu anenge akaruramiswa pamusana pechitendero achararama. Asi mutemo haunei nechitendero nokuti munhu anotevedza mitemo anofanira kuraramiswa nayo. Asi Kristu nokuva anenge akarengererwa rushambwa akatinunura kurushambwa rwomutemo nokuti muMagwaro Matsvene makanyorwa kuti: “Akarengererwa anorushambwa munhu wose anoturikwa pamuti.” Izvi zvakaitirwa kuti muna Kristu Jesu, chikomborero chaAbhurahamu chiuyewo kune vechirudzi kuti tigamuchire chivimbiso chaMweya nechitendero. Hama, houno muenzaniso wezvinongowanika muvanhu, hakuna munhu anopfudza chibvumirano chomunhu kana angawedzera pachiri kana chanyoreranwa pasi. Zvino zvitsidzo izvi zvakaitwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Chibvumirano ichocho hachisi kuti, “Kuvana vake” chichireva vana vazhinji asi kuti chinotaura nezvomumwechete chichiti, “NokuMwana wako,” zvichireva Kristu. Izvi ndizvo zvandinoreva, kuti mutemo wakazouya mushure memakore mazana mana anamakumi matatu haudzimi chitenderano chakambonyoreranwa naMwari zvinoita kuti chitenderano ichocho chishaye basa. Chandinodariro ndechokuti, kana nhaka iyoyo iri yokutevedza zvomumutemo haichisiri yechitsidzo. Asi Mwari akapa kuna Abhurahamu zviri zvechitsidzo. Ko mutemo ndowei? Wakapamhidzirwa pamusana pokukanganisa uchinzi uvepo kusvikira mwana uya akanga aitirwa chitsidzo ichocho auya. Mutemo iwoyo wakaziviswa nokuvatumwa uye pakanga paino munhu aiva munyai. Pano mumwechete asingadi munyai, Mwari chete. Ko zvinoreva kuti mutemo unorwisana nezvitsidzo zvaMwari here? Hazvisizvo kwete. Dai kuri kuti pane mutemo wakatemwa unogona kupa upenyu, pakadaro ururami hungadai huchitounzwa nomutemo. Magwaro Matsvene anoti zvinhu zvose zviri pasi pechitadzo kuti zvinhu zvakatsidzirwa nokuda kwechitendero muna Jesu Kristu zvipiwe kuna vanotenda. Chitendero chisati chauya takanga takaiswa pasi pomutemo, tiri parumananzombe kusvikira chitendero chaburitswa pachena. Ipapo mutemo wakanga uri mureri wedu kusvikira Kristu auya kuti tiruramiswe nechitendero. Zvino chitendero pachakadai kuuya, hatichisiri pasi pomureri. Nokuti muna Kristu Jesu, imi mose muri vana vaMwari nokuda kwechitendero.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 3

VaGaratia 3:1-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Imi ʋaGaratia ʋokusafuŋga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pacena pamberi pameso enyu akaroʋerwa pamucinjikwa? Iceci ɓedzi ndinoɗa kunzwa kwamuri: Makapiwa Mŋeya namaɓasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri ʋokusafuŋga ʋakaɗaro seiko? Makataŋga muMŋeya, ko ɀino mopedzisa munyama here? Makatambudzika ɀikuru mukaɗai pasina here? Kana ɀaiʋa pasina haɀo! Naiɀoɀo uyo unokupai Mŋeya, nokuita maɓasa esimba pakati penyu, unoɀiita iɀo namaɓasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda? Abrahama seɀaakatenda kunaMŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama. Naiɀoɀo ziʋai kuti ʋokutenda ndiʋo ʋana ʋaAbrahama. NoRugwaro, ɀarwakaziʋa ɀiri mberi, kuti Mŋari ucaruramisa ʋahedeni nokutenda, rwakaparidza Evaŋgeri kare kunaAbrahama, ruciti: Mauri marudzi ose acaropafadzwa. Naiɀoɀo ʋokutenda ʋanoropafadzwa pamŋe cete naAbrahama, wakatenda. Nokuti ʋose ʋari ʋamaɓasa omurairo, ʋari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ʋakatukwa ʋose ʋasiŋgarambiri paɀinhu ɀose ɀakanyorwa mubuku yomurairo, kuti ʋaɀiite. Ɀino, ɀinoʋonekwa kuti hakunomunhu unoruramiswa nomurairo pamberi paMŋari, nokuti: Wakarurama ucararama noku tenda. Ɀino murairo haubvi pakutenda; asi uyo wakaita ɀinhu iɀoɀi ucararama naɀo. Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa cakatukwa nokuɗa kweɗu, nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ʋakatukwa ʋose ʋanoturikwa pamuti! Kuti kuropafadzwa kwaAbrahama kuȿike kuʋahedeni munaJesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda cipikirwa coMŋeya. Hama dzaŋgu, ndinoreʋa nokureʋa kwaʋanhu, ndiciti: Kunyaŋge iri suŋgano yaʋanhu hayo, kana yasimbiswa, hakunomunhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi. Ɀino, iɀo ɀipikirwa ɀakarebga kunaAbrahama nokumŋana wake. Haareʋi, aciti: Kuʋana ʋako, saʋaneŋge ʋari ʋazhinji; asi saaneŋge ari mumŋe, unoti: Kumŋana wako; uyu ndiye Kristu. Ɀino ndinoreʋa cinhu ici, ndiciti: Suŋgano yakasimbiswa kare naMŋari haitorerwi simba rayo nomurairo wakazoteʋera makore mazana manna namakumi matatu apfuʋura, kuti cipikirwa cikoneswe. Nokuti kana nhaka icibva kumurairo, haicabvi kucipikirwa; asi Mŋari wakaipa Abrahama nokupikira. Naiɀoɀo murairo cinyiko? Wakazowedzerwa nokuɗa kweɀiʋi, kuȿikira mŋana wakapikirwa iɀoɀo acizoʋuya; iwo wakarairwa naʋatumŋa noruʋoko rwomureʋereri. Ɀino mureʋereri haazi womumŋe cete; asi Mŋari ndomumŋe. Naiɀoɀo asimurairo unorwisa ɀipikirwa ɀaMŋari here? Haiȿa! Nokuti ɗai ʋakaŋga ʋapiwa murairo waigona kuraramisa, ɀirokwaɀo kururamiswa kwaibva kumurairo. Asi Rugwaro rwakapfigira ɀose pasi peɀiʋi, kuti cipikirwa cinobva pakutenda munaJesu Kristu cipiwe ʋanotenda. Asi kutenda kusati kwaȿika, taiceŋgetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuɗa kwokutenda kwaizoratidzwa. Saiɀoɀo murairo wakaŋga uri muperekedzi weɗu, kutiisa kunaKristu kuti tiruramiswe nokutenda. Ɀino kutenda ɀakwakaȿika, haticiri pasi pomuperekedzi. Nokuti imi mose muri ʋana ʋaMŋari nokutenda munaKristu Jesu

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 3

VaGaratia 3:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)