VaGaratia 2:11-16
VaGaratia 2:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Petro akati asvika kuAndioki, ndakamutsoropodza pachena, nokuti akanga akanganisa zviri pachena. Vamwe varume vakabva kuna Jakobho vasati vasvika, akanga achimbodya neveDzimwe Ndudzi. Asi pavakasvika, akatanga kusuduruka uye akazvitsaura kubva kune veDzimwe Ndudzi nokuti akanga achitya vaya vakanga vari veboka rokudzingiswa. Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo. Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza veDzimwe Ndudzi kuti vatevere tsika dzechiJudha? “Isu tiri vaJudha pakuzvarwa uye hatisi vatadzi ve‘Dzimwe Ndudzi’ uye tinoziva kuti munhu haaruramisirwi nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tiruramisirwe nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu acharuramisirwa nokuchengeta murayiro.
VaGaratia 2:11-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Kefasi akati asvika Andioki ndakamudzivisa pachena, nokuti akanga ane mhosva. Nokuti vamwe, vakanga vabva kuna Jakobho; asi vasati vasvika, iye aidya navahedheni asi vakati vasvika akadzoka, akazviraura, achitya vakadzingiswa. Navamwe vaJudha vakaita mano-manowo pamwechete naye; zvikaitwa kuti naiye Bhanabhasiwo akatsauswa namano-mano avo. Asi ndakati ndichiona kuti havafambi zvakarurama nechokwadi cheVhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: “Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni usingaiti savaJudha, unoreverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?” Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni, zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurayiro, asi nokutenda kuna Kristu Jesu, nesuo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kuna Kristu, tirege kururamiswa namabasa omurayiro; nokuti hakuna munhu acharuramiswa namabasa omurayiro.
VaGaratia 2:11-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Pita paakauya kuAntioku ndakamutsiura pachena nokuti akanga akanganisa. Zvaivapo ndezvokuti, vamwe varume vasati vauya kubva kuna Jemusi, aidya nevechirudzi. Asi pavakangouya akabva aregera avakuzvitsaura pamusana pokutya vebato rokudzingiswa. Vamwe vaJudha vakava nokusatendeka ikoko pamwe naPita. Kunyange Bhanabhasi akafurirwawo mukusatendeka kwavo ikoko. Asi pandakaona kuti vakanga vasingaiti zvinowirirana nechokwadi cheShoko Rakanaka, ndakataurira Pita navamwe vose vakanga varipo ndichiti, “Zvino kana imi muJudha kudai muchigara somunhu wechirudzi musingaiti somuJudha, mungagomanikidza sei vechirudzi kuti vagare savaJudha?” Isu iyesu, zvizvarwa zvechiJudha, tisiri vechirudzi, vatadzi, tinoziva kuti munhu haaruramiswi nezvisungo zvomutemo, asi nechitendero muna Jesu Kristu. Kunyangewo isu takatenda wani muna Kristu Jesu kuti tiruramiswe nechitendero muna Kristu kwete nezvisungo zvomutemo nokuti hapana anoruramiswa nezvisungo zvomutemo.
VaGaratia 2:11-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Kefasi wakati aȿika Antiokia ndakamudziʋisa pacena, nokuti wakaŋga anemhoȿa. Nokuti ʋamŋe, ʋakaŋga ʋabva kunaJakobo, ʋasati ʋaȿika, iye waidya naʋahedeni; asi ʋakati ʋaȿika, akadzoka, akaɀiraʋura, acitya ʋakadziŋgiswa. Naʋamŋe ʋaJuda ʋakaita mano‐mano ʋo pamŋe cete naye; ɀikaitwa kuti naiye Barnabasi ʋo akatsauswa namano‐mano aʋo. Asi ndakati ndiciʋona kuti haʋafambi ɀakarurama neɀokwaɗi yeEvaŋgeri, ndakati kunaKefasi pamberi paʋose: Kana iwe, uri muJuda, ucifamba saʋahedeni, usiŋgaiti saʋaJuda, unoroʋerera seiko ʋahedeni, kuti ʋafambe saʋaJuda? Isu ʋaJuda pakuɀarwa kweɗu, tisati tiri ʋatadzi ʋanobva kuʋahedeni, ɀatinoziʋa kuti munhu haaruramiswi namaɓasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesu ʋo takatenda kunaKristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namaɓasa omurairo; nokuti hakunenyama icaruramiswa namaɓasa omurairo.
VaGaratia 2:11-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)