Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 1:1-17

VaGaratia 1:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Ndini Pauro mupositori asina kutumwa basa iri nomunhu kana kuripiwa nomunhu asi akaripiwa naJesu Kristu uye naMwari Baba vakamumutsa muvafi, ndinokunyorerai pamwechete nehama dzandinadzo kuno imi masangano okuGaratia ndichiti: chikomborero chokuitirwa nyasha necherugare ngachigare nemi chichibva kuna Mwari Baba nokuna Tenzi Jesu Kristu. Ndiye akazvipa pamusana pezvitadzo zvedu kuti atinunure kunyika youipi iripo iye zvino maererano nezvaidiwa naMwari naBaba vedu. Ivo ngavarumbidzwe narini narini. Ameni. Munondishamisa kuti mavakusiya nokukurumidza kudai iye akakudaidzai nenyasha dzaKristu muchipindukira kune rimwewo Shoko Rakanaka. Zvisingarevi zvazvo kuti kuna rimwezve Shoko Rakanaka asi kuti kune vamwe vanokutambudzai vachida kuminamisa Shoko iroro Rakanaka raKristu. Kunyange dai tirisu kana mutumwa anobva kudenga achikuparidzai Shoko rinopesana neratakakuparidzai ngaave nerushambwa. Sezvatakambotaura kare ndinotaurazve zvino ndichiti kana pano munhu ari kukuparidzai Shoko Rakanaka rinopesana neramakambogamuchira ngaave norushambwa. Asi munofunga kuti iye zvino ndiri kutsvaka kufadza vanhu here kana kuti ndiripo pakufadza Mwari? Kana kuti munoti ndiri kuvavarira kufadza vanhu? Kana ndichiripo kufadza vanhu handifaniri kuva muranda waKristu. Nokuti ndingade kuti muzive hama dzangu kuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa neni harisi Shoko ravanhu nokuti handina kurigamuchira richibva kumunhu uye handina kuri dzidziswa. Rakauya kwandiri nokuzviratidza kwaJesu Kristu kwandiri. Inga makanzwa wani nezvoupenyu hwangu hwakare muchiJudha, kutambudza zvakaipisisa kwandaiita sangano raMwari ndichiedza kuriparadza. Ini ndakabudirira mune zvechiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu mukati mavanhu vokwangu. Ndaisimbirira chaizvo mune zvamagamuchidzanwa amadzitateguru angu. Zvino iye zvaakanga andisarudza ndisati ndaberekwa akandidaidza nenyasha dzake. Akafara kuratidza Mwanakomana wake kwandiri kuti ndimuparidze kune vechirudzi, handina kumbobvunza munhu. Uye handina kuenda kuJerusaremu kuna vakanga vakanditangira kuva vapositori asi ndakaenda kuArabhia. Ndakazodzokerazve kuDhamasikusi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 1

VaGaratia 1:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Pauro mupostori, asina kutumwa zvichibva kuvanhu kana kumunhu, asi naJesu Kristu naMwari Baba, iye akamumutsa kubva kuvakafa, nehama dzose dzineni, kukereke dziri muGaratia: Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu, akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu, ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni. Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu muchitsaukira kune rimwe vhangeri, risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu. Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi! Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi! Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu. Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu. Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu. Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza. Ndakanga ndichishingaira kwazvo muchiJudha ndichipfuura vaJudha vazhinji vezera rangu uye ndakanga ndichishingairira tsika dzamadzibaba angu. Asi Mwari akanditsaura kubva pakuzvarwa kwangu uye akandidana nenyasha dzake, paakafadzwa nazvo kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri kuti ndimuparidze pakati pavaHedheni, handina kutongobvunza munhu, uye handina kuenda kuJerusarema kuti ndinoona vaya vakanga vari vapostori vakanditangira, asi nokukurumidza ndakaenda kuArabhia ndikazodzokazve kuDhamasiko pashure.

VaGaratia 1:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Pauro, mupostori, asina kubva kuvanhu, kana kutumwa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba, akamumutsa kuvakafa, nehama dzose dziri kwandiri, kusangano reGaratiya. Nyasha norugare ngazvive nemi, zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu, akazvipa nokuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure kunyika yakaipa yazvino, nokuda kwaMwari, Baba vedu; ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni. Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo akakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kuneimwe Vhangeri; isati iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Vhangeri yaKristu. Asi kunyange isu, kana mutumwa anobva kudenga, akakuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave akatukwa. Sezvatakamboreva, zvino ndinorevazve saizvozvo: Kana kuno munhu anokuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neiyo yamakagamuchira, ngaave akatukwa. Nokuti zvino ndinoita ushamwari navanhu here, kana naMwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Kana ndaifadza vanhu nazvino, handizaiva muranda waKristu. Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Vhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu. Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu. Nokuti makanzwa zvomufambiro wangu kare pakunamata kwavaJudha, kuti ndaitambudza sangano yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza; pakunamata kwavaJudha ndaipfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu. Zvino Mwari, iye akanditsanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake, akati afadzwa nazvo, kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati pavahedheni, pakarepo; handina kurangana nenyama neropa; handina kukwira Jerusaremu kunaavo vakanditangira kuva vapostori, asi ndakaenda Arabhiya, ndikadzokera Dhamasiko zve.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 1

VaGaratia 1:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndini Pauro mupositori asina kutumwa basa iri nomunhu kana kuripiwa nomunhu asi akaripiwa naJesu Kristu uye naMwari Baba vakamumutsa muvafi, ndinokunyorerai pamwechete nehama dzandinadzo kuno imi masangano okuGaratia ndichiti: chikomborero chokuitirwa nyasha necherugare ngachigare nemi chichibva kuna Mwari Baba nokuna Tenzi Jesu Kristu. Ndiye akazvipa pamusana pezvitadzo zvedu kuti atinunure kunyika youipi iripo iye zvino maererano nezvaidiwa naMwari naBaba vedu. Ivo ngavarumbidzwe narini narini. Ameni. Munondishamisa kuti mavakusiya nokukurumidza kudai iye akakudaidzai nenyasha dzaKristu muchipindukira kune rimwewo Shoko Rakanaka. Zvisingarevi zvazvo kuti kuna rimwezve Shoko Rakanaka asi kuti kune vamwe vanokutambudzai vachida kuminamisa Shoko iroro Rakanaka raKristu. Kunyange dai tirisu kana mutumwa anobva kudenga achikuparidzai Shoko rinopesana neratakakuparidzai ngaave nerushambwa. Sezvatakambotaura kare ndinotaurazve zvino ndichiti kana pano munhu ari kukuparidzai Shoko Rakanaka rinopesana neramakambogamuchira ngaave norushambwa. Asi munofunga kuti iye zvino ndiri kutsvaka kufadza vanhu here kana kuti ndiripo pakufadza Mwari? Kana kuti munoti ndiri kuvavarira kufadza vanhu? Kana ndichiripo kufadza vanhu handifaniri kuva muranda waKristu. Nokuti ndingade kuti muzive hama dzangu kuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa neni harisi Shoko ravanhu nokuti handina kurigamuchira richibva kumunhu uye handina kuri dzidziswa. Rakauya kwandiri nokuzviratidza kwaJesu Kristu kwandiri. Inga makanzwa wani nezvoupenyu hwangu hwakare muchiJudha, kutambudza zvakaipisisa kwandaiita sangano raMwari ndichiedza kuriparadza. Ini ndakabudirira mune zvechiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu mukati mavanhu vokwangu. Ndaisimbirira chaizvo mune zvamagamuchidzanwa amadzitateguru angu. Zvino iye zvaakanga andisarudza ndisati ndaberekwa akandidaidza nenyasha dzake. Akafara kuratidza Mwanakomana wake kwandiri kuti ndimuparidze kune vechirudzi, handina kumbobvunza munhu. Uye handina kuenda kuJerusaremu kuna vakanga vakanditangira kuva vapositori asi ndakaenda kuArabhia. Ndakazodzokerazve kuDhamasikusi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 1

VaGaratia 1:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Pauro, muapostora, (usinakubʋa kuʋanhu, kana kutumŋa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMŋari Ƃaɓa, wakamumutsa kuʋakafa), nehama dzose dziri kwandiri, kukereke dzeGaratia: Nyasha norugare ŋgaɀiʋe nemi, ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu, wakaɀipa nokuɗa kweɀiʋi ɀeɗu, kuti atisunuŋgure kunyika yakaipa yaɀino, nokuɗa kwaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu; ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni. Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukaɗai kushandukira uyo wakakuɗanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kuneimŋe evaŋgeri; isati iri imŋe hayo; asi kuti ʋamŋe ʋari’po ʋanokukaŋganisai, ʋaciɗa kushandura Evaŋgeri yaKristu. Asi kunyaŋge isu, kana mutumŋa unobva kuɗeŋga, akakuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ŋgaaʋe wakatukwa. Seɀatakamboreʋa, ɀino ndinoreʋa ɀe saiɀoɀo: Kana kunomunhu unokuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neiyo yamakagamucira, ŋgaaʋe wakatukwa. Nokuti ɀino ndinoita ʋushamŋari naʋanhu here, kana naMŋari? Kana ndinotȿaka kufadza ʋanhu here? Kana ndaifadza ʋanhu naɀino, handizaiʋa muranda waKristu. Nokuti ndinokuziʋisai, hama dzaŋgu, kuti Evaŋgeri yakaparidzwa neni, haina‐kuita seyaʋanhu. Nokuti handina‐kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu. Nokuti makanzwa ɀomufambire waŋgu kare pakunamata kwaʋaJuda, kuti ndaitambudza kereke yaMŋari ɀikuru kwaɀo, ndikaiparadza; pakunamata kwaʋaJuda ndaipfuʋura ʋazhinji ʋezero raŋgu parudzi rwaŋgu, ndicinyanya kushiŋgairira tsika dzamadziɓaɓa aŋgu. Ɀino Mŋari, iye wakandisanaŋgura kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu, akandiɗana nenyasha dzake, wakati afadzwa naɀo, kuti aratidze Mŋanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati paʋahedeni, pakarepo handina‐kuraŋgana nenyama neropa; handina‐kukwira Jerusarema kunaaʋo ʋakanditaŋgira kuʋa ʋaapostora, asi ndakaenda Arabia, ndikadzokera Damasko ɀe.